Accessibility links

Breaking News

Studio7 Yoburitsa Kubatwa Zvine Hutsinye kweVanhu muSouth Africa

  • Benedict Nhlapho

Vanhu vakawanda vemuZimbabwe vakabuda munyika vachienda kunotsvaga hupoteri pamwe nemafuro manyoro ku South Africa, zvichitevera kuoma kwezvinhu muZimbabwe. Asi mukurarama kwavo hupenyu hutsva munyika iyi, vakawanda vari kusangana nedambudziko rekushungurudzwa nemapurisa emuSouth Africa.

Kana mbavha dzikaona motokari yemapurisa ichingopfuura zvayo, hana dzinorova, vamwe vachihwanda vachitya kuti pamwe ndivo vari kutsvagwa nemapurisa. Asi vazhinji vanobva kuZimbabwe vanenge vasina kupara mhosva vanoti vanototizawo, kana kuchinja nzira, kana vakaona motokari dzemapurisa, sezvo vachitya kushungurudzwa.

Muzvare Sibusisiwe Ndlovu vakasvika muSouth Africa muna 2008. Vanoti rimwe zuva vachienda havo kubasa kuRandburg, vakasangana nemapurisa, ndokubva vamiswa vachibvunzurudzwa kana vaine mvumo yekugara muSouth Africa. Vanoti vakabva vakandwa mumotokari voendwa navo kwavasingazivi.

Pane kuti vaendeswe kuchitokisi, vanoti motokari yemapurisa yakatenderera navo dhorobha rese kwemaawa mashanu kusvikira hama dzavo dzazouya nemari yekupa mapurisa, kuitira kuti varegedzwe.

Pari zvino, Muzvare Ndlovu vanoti vave kufamba vakatakura magwaro avo ehupoteri, asylum permit, kwese kwavanoenda, kuitira kuti vasanetswe nemapurisa.

Asi Muzvare Ndlovu vanoti pese pavanosangana nemapurisa vanoudzwa kuti gwaro ravanaro nderenhema, kana kuti pikicha yacho hayisi yavo, kana kuti haina kujeka.
Dzimwe nguva, vanhu vakaita saivo, vanonzi vabvise chioko muhomwe kuitira kuti vasiiwe, kana vakaramba kubvisa mari iyi, vanovharirwa kusvikira bazi rezvemukati menyika ratarisisa magwaro avo. Apo vanenge vakachengetedzwa, panenge pasina chavari kuita, nguva ichipfuura.

Muzvare Ndlovu vanoti izvi zvave kukonzera kuti pese pavanoona mapurisa, vatize kana kuhwanda.

Muzvare Diana Zimbudzana vanoshanda nesangano reZimbabwe Exiles Forum, iro rinobatsira zvizvare zveZimbabwe muSouth Africa. Muzvare Zimbudzana vanoti matambudziko aMuzvare Ndlovu ari kusangana nevakawanda muSouth Africa, kusanganisira vanhu vanobva kuMozambique, kuNigeria, Ethiopia, Rwanda nedzimwe nyika. Vanoti sangano ravo rinotambira zvichemo zvakawanda kubva kuvanhu vanenge vaine hama dzasungwa zvisiri pamutemo.

Muzvare Zimbudzana vanoti sangano ravo rinogara rakapindira pavanhu vemuZimbabwe vari kutsvaga hupoteri vanenge vasungwa. Muzvare Zimbudzana vanoti rimwe dambudziko ndere kuti vanenge vasungwa vanodzoserwa nechisimba kuZimbabwe, kana kuvharirwa pakamba yepa Lindela.

Imwe nyanzvi inoshanda nesangano re Peace Monitor, VaGivemore Nhidza, vanoti sangano ravo rinotarisa nyaya dzekushungurudzwa kwezvizvarwa zvedzimwe nyika zvikuru sei dzinenge dzichishungurudzwa nevashandi vehurumende.

VaNhidza vanoti dzimba dzakawanda dzinozivikanwa kuti dzinogara zvizvarwa zveZimbabwe kuLimpopo, dzinopindwa neboka rinoshanda nemapurisa reYouth Against Crime pakati pehusiku, vachitsvaga vanenge vasina mapepa.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko kumapurisa, VaLindela Mashigo, vanoti vari kumboongorora nhuna dziri kutaurwa nezvizvarwa zveZimbabwe vasati vapa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi mukuru wesangano re Corruption Watch, Va David Lewis, vanoti sangano ravo rinogamuchira zvichemo zvakawanda zvine chekuita nekushungurudzwa kwevanhu vekune dzimwe nyika nemapurisa, kanawo nevashandi mubazi rezvemukati menyika.

VaLewis vari kukurudzira vanenge vamanikidzwa kubvisa chihoko muhomwe kuti vanomhang’ara kumakamba emapurisa, kanawo kusvitsa nyaya idzi kumasangano akazvimirira akaita se Corruption Watch.

Asi Muzvare Ndlovu vanoti, nemamiriro akaita zvinhu mu South Africa, kuudza munhu asina mapepa kuti anomhang’ara kumapurisa, zvakafanana nekuudza munhu kunotora mari yakasungirirwa pagumbo reshumba.

Nyaya Ina Benedict Nhlapho
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG