Accessibility links

Breaking News

VaNdumiso Gumede Vanoradzikwa Zvine Mutsindo kuInyathi


Ndumiso Gumede Burial
Ndumiso Gumede Burial

Vakambove mutungamiri weHighlanders, uye vakambovewo mukuru weZimbabwe Football Association, VaNdumiso Gumede, varadzikwa nhasi.

VaGumede avo vakashaya musi wa29 Zvita vavigwa nhasi kumusha kwavo kuInyathi mudunhu reMatabeleland North kuzadzisa chisuwo chavo chekuti vavigwe pane vabereki vavo.

VaGumede avo vakashaya musi wa29 Zvita mushure mekurwara neitsvo vakatanga kushanda semurairdzi asi vakazoshaya vaita mukurmbira mukuru munyaya dzekutungamira zvenhabvu munyika.

Mumashoko avo ekuchema VaGumede mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati VaGumede vakaratidza hunyanzvi mubasa rekutingamira zvenhabvu izvo zvakabatsira kuti chikwata cheHighlanders chive nemukurumbira munyika mose.

Vamwe vaive vakatarisira kuti VaGumede vachapiwa ruremekedzo rwegamba renyika asi izvi hazvina kuitika.

Vakambove munyori mukuru wechikwata cheCaps United, VaWellimgtpn Chando, vaudza Studio 7 kuti vaGumede vanofanirwa kurangarirwa segamba munyaya dzekutingamira zvenhabvu munyika

Vakambove munyori mukuru wechikwata cheHighlanders variwo mumiriri weVungu mudare reparamende, VaOmega Sibanda, vanoti hapana chingataurwa munhoroondo yenhanbvu munyika zita raVaGumede richishaikwa.

VaGumede, avo vakashaya vava nemakore makumi manomwe nematanhatu, vanopiwa ruremekedzo nevakawanda nekukwanisa kuita kuti chikwata cheHighlanders chive nenzvimbo dzachinoti dzacho izvo zvisina kukwanisa kuitwa nezvimwe zvikwata zvine mukurumbira munyika.

Zvichakadaro, vanhu vakasiyana siyana kusanganisira maEngineer anoshanda munzvimbo dzakasiyana siyana munyika, vakuru vakuru vemakanzuru pamwe nevanhuwo zvavo vaungana pangungano rekuonekana nevaive mukuru weEngineering services muguta reBulawayo avo vakashaya naVaSimela Dube musi wa30 Zvita

Vataura varumbidza VaDube semunhu aive akazvininipisa zvisinei nechinzvimbo chavaive nacho uye zvisinei nehunyanzvi hwavo mubasa ravo.

Munin’ina wemufi VaIshmael Dube vati zvinhu pazvaive zvakaoma munyika, pakutanga kwemakore a2000, VaDube vakaramba basa raigona kuvawanisa mari yakawanda kuSouth Africa vachiti vaida kushandira munyika yavo yeZimbabwe.

Mumwe wevanhu vataura pagungano iri VaJoseph Tshuma avo vakambove mumiriri weMpopoma mudare reparamende variwo nhengo yecentral committee yeZanu PF, vati vaDube vaisatarisa kuti munhu abva mumba maani. VaTshuma vati VaDube vaishanda vakazvipira vachiratidza hunyanzvi mubasa ravo zvisinei nekuti nguva dzakawanda vaisave nezvikwanisiro zvakakwana.

Mutevedzeri wameya weguta reBulawayo, VaMulandu Ncube, vatsinhirawo izvi vakati, VaDube vaive nyanzvi mubasa ravo uye sasachigaro weEngineers Forum musangano reUrban Councils Association of Zimbabwe, vaibatsira makanzuru emumaguta nemadhorobha akawanda munyika neruzivo rwavo munyaya dzekuwanisa vagari mvura nezvimwe zvakadaro.

Munyori mukuru wekanzuru yeguta reBulawayo, VaChristopher Dube, vati nekuda kwekuti basa raVaDube raive pamongo wemabasa ekanzuru vaigara vachishorwa, kunyombwa nekupomerwa mhosva dzisipo asi izvi hazvina kuvadzorera kumashure.

VaDube vavigwa kumakuva eLady Stanely Cemetery.

Vakashaya musi wa30 Zvita vave nemakore makumi mashanu nematanhatu, mushure mekurwara kwenguva pfupi. Vasiya mudzimai nevana vatatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG