Accessibility links

Breaking News

Mitambo yeNhabvu yePremier Super League Yotanga Mwedzi Unouya


Dynamos-v-Highlander

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari kutanga mwedzi unouya mushure memakore maviri mitambo iyi isingaitwe nepamusana pechirwere cheCovid-19.

Sangano rinotungamira nhabvu yepamusoro munyika rePremier Soccer League rinoti makundano aya ari kutanga musi wa 30 Gumiguru aine zvikwata gumi nezvisere.

Asi mutsamba yavanyorera zvikwata mukuru wekumahofisi eZifa, VaKennedy Ndebele, havana kutaura kuti makwikwi aya anopera rinhi.

VaNdebele vazivisa zvekare kuti makundano eChibuku Super Cup ari kuitwa musi wa 29 Gunyana mushure mekumbomiswa nehurumende nemhaka yeCovid-19.

Murairizi weHerentals, Kumbirai Mutiwekuziva, anoti viye nevatambi vake vamirira makundano aya nekuti ndipo pane raramo yavo.

Kubvira pakapera mitambo muna 2019, zvikwata zvanga zviri mubishi rekutenga vatambi vatsva vekusimbisa zvikwata zvavo

Vamwewo vakaita seDynamos neHighlanders ndivo vakaitawo rombo rakanaka rekutambidzwa mari yekukwikwidza neimwe kambani.

Vachitarisa zvakaitika pamariketi, muongorori wemutambo wenhabvu, VaKelvin Mushonga, vanoti makundano emwaka uno achanakidza zvikuru.

Muraridzi weTriangle, Taurayi Mangwiro, anoti ari kutarisira kuti pari kudzoka mitambo apa vanenge vagadzirisa zvaivanetsa mitambo isati yambomiswa .

Asi Darlington Dodo weCaps United anoti iye nechikwata chake vachasiya zvavachaita munhandare zvichitaura zvega.

Nhabvu yeligi muZimbabwe yakapedzisira kutambwa musi wa 16 Mbudzi, 2019, apo FC Platinum yakatora mukombe wemakwikwi aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG