Accessibility links

Breaking News

Magweta Ozeya Kuferefetwa Kuri Kuitwa Mumwe Mutongi weSupreme Court


Douglas Mwonzora, secretary general for the Movement for Democratic Change Alliance, says his party has gathered enough material to confirm that President Emmerson Mnangagwa has actually not won the July 30 general election and that his announced victory
Douglas Mwonzora, secretary general for the Movement for Democratic Change Alliance, says his party has gathered enough material to confirm that President Emmerson Mnangagwa has actually not won the July 30 general election and that his announced victory

Sangano reJudicial Services Commission rinoti komiti yakaumbwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti iferefete mutongi wedare repamusorosoro reSupreme Court, VaFrancis Bere, yatanga basa rayo.

Mutauriri weJudicial Services Commission, kana kuti JSC, VaBrian Nkiwane, vaudza Studio 7 kuti komiti yakaumbwa naVaMnangagwa kuti iferefete mhosva iri kupomerwa VaBere yekupindira mune imwe nyaya yanga iri mumatare, yatanga basa rayo.

VaNkiwane vati zvichabuda mutsvagiridzo iri kuitwa nekomiti iyi zvichaziviswa kana komiti iyi yapedza basa rayo.

VaBere, avo vakambomiswa basa, vari kupomerwa mhosva yekunzi vakapindira munyaya yaive pakati pekambani yehurumende yeZimbabwe National Roads Adminstration kana kuti Zinara nekambani yeFremus Enterprises inove kambani yehama dzavo.

Zvinonzi VaBere vakafonera gweta reZinara, VaItai Ndudzo, vachivakumbira kuti Zinara iagadzirisane nekambani yehama dzavo panyaya yakanga iri mumatare.

VaNkiwane vati zvizhinji panyaya iyi hazvisati zvave kutaurika sezvo nyaya iyi yatanga kuferefetwa.

Rimwe gweta remuHarare uye vari munyori wesarudzo muMDC, VaJacob Mafume, vachitaura vakazvimirira senyanzvi munyaya dzemitemo vanoti mutungamiri wenyika ane kodzero pamitemo yenyika yekuumba komiti yekuferefeta vatongi sezvaitwa pana VaBere.

Rimwe gweta, uye vari mutevedzeri wemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, VaDouglas Mwonzora, vachitaurawo vakazvimirira segweta, vatiwo semaziviro avanoita VaBere, munhu anogona kuchenurwa nekomiti yakaumbwa naVaMnangagwa iyi.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vati VaBere hapana chavakakanganisa sezvo vasina kupindira mukutongwa kwenyaya yavari kupomerwa kunze kwekukurudzira gweta riri kumirira hama yavo kuti rione kuti nyaya iyi yagadziriswa nechimbi chimbi.

Mamwe magweta ataedza kutaura nawo ati haakwanise kutaura nezvenyaya iyi achiti ane nyaya dziri pamberi paVaBere dzisati dzapera kutongwa.

VaBere vati pachavo havasi kukwanisa kutaura nezvenyaya iyi sezvo vachiri pakati pekuferefetwa.

VaBere havasi mutongi wematare edzimhosva wekutanga kupomerwa mhosva yakadai.

VaBenjamin Paradza vakambopomerwawo mhosva panguva yehutongi hwaVaRobert Mugabe vakatiza munyika nyaya yavo isati yatongwa vachiti vakanga vachishungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Mumwe mutongi, VaCharles Hungwe, vakambopomerwawo zvakare mhosva yakadai asi vakawanikwa vasina mhosva.

Tribunal iri kuferefeta VaBere ine vanhu vatatu vanoti VaSimbi Mubako avo vaimbove mutongi, magweta anoti VaTakawira Nzombe naAmai Rekayi Maphosa.

VaMubako, avo vakagadzwa sasachigaro weTribunal iyi svondo rapera, vakati havazivi kuti vanoda nguva yakawanda zvakadii kuti vapedze basa ravakanzi naVaMnangagwa vaite.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG