Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoti Vanhu Vakawanda Vakatyorerwa Kodzero Dzavo Muna 2017


VaItai Dzamara ndeumwe wevarikutaurwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu.
VaItai Dzamara ndeumwe wevarikutaurwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu.

Mamwe magweta anorwira kodzero dzevanhu anoti vanhu vakatyorerwa kodzero zvakanyanya vakatiwo vanotarisira kuti mugore ra2018 hurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa icharemekedza kodzero dzeveruzhinji.

Rimwe remagweta anorwira kodzero mudunhu reMidlands, VaBrian Dube, vanoti kusungwa sungwa kwakaitwa vanhu gore rino nemapurisa nemhosva dzaizoraswa nematare, zvinoratidza kuti Zimbabwe haisati yoremekedza kodzero.

VaDube vatiwo patopera rimwe gore VaItai Dzamara, avo vakatsakatika mugore ra2015, vasati vazivikanwa zvakaitika kwavari.

Imwe nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo, VaSharon Hofisi, vaudzawo Studio7 kuti kune kodzero zhinji dzakatyorwa muna 2017, uye zvinofanirwa kuongororwa.

VaHofisi vati kunyange hazvo vanhu vane kodzero yekurarama huye nyaya yemutongo werufu kuvanhurume yakaendeswa kumatare mukati megore rino, vanoti dare repamusoro soro reConstitutional Court rakarasa nyaya iyi isati yaongororwa.

VaHofisi vawedzerawo vachiti kudzingwa kwaiitwa vatengesi vemumigwagwa mukati megore rese mumadhorobha akasiyana-siyana, kubviswa kwevanhu pamapurazi avaigara pamwe nekuputswa kwedzimba dzevanhu pasina mvumo yematare, zvinoratidzawo kutyorwa kwekodzero kwakanyanya munyika.

Hurumende yeZimbabwe yakatemerwa zvirango zvehupfumi nedzimwe nyika dzekunze nepamusana pekutyorwa kwekodzero dzeveruzhinji pasi pehurumende yevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Pasi pehurumende yaVaMugabe vemapato anopikisa nevaive vasingabvumirani nemautiro eZanu PF vaityorerwa kodzero dzavo.

Asiwo magweta aya ati anokurudzira kuti hurumende yaVaMnangagwa, iyo yakabetserwa nemauto kupinda pachigaro muna Mbudzi, iremekedzewo kodzero dzeveruzhinji apo Zimbabwe yatarisana nesarudzo gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG