Sangano reCentre for Natural Resources Governance kana kuti CNG rinoti rakumbira sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights kuti rimirire vagari vekuDinde kuHwange.
Vagari ava vanonzi vatarisana nekudzingwa mumisha yavo kuitira kuti imwe kambani yekuChina ichishanda nekambani inochera marasha yeWhange Colliery itange kuchera marasha.
Mukuru weCNG, VaFarai Maguwu, vanoti vagari ava vari kuramba kutamiswa vachiti nzvimbo iyi ine makuva emadzishe avo uye hama dzavo.
Nzvimbo iyi ine vanhu vanotaura Nambya neTonga.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezviwanikwa, VaWilson Chitando, kanawo gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa.
Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naBlessing Zulu weStudio7 naVaMaguwu pane zviri kuitika.
Facebook Forum