Accessibility links

Breaking News

Hurumende Haina Michina Inongorora Chirwere cheGomarara reMelanoma


Zimbabwe haina michina inoongorora chirwere chegomarara

Vanorarama nechirwere chegomarara rinoita kuti miviri yevanhu iite zvinyama zvinokura vanoti vari kushushikana zvikuru kuti havasi kuwana rubatsiro muzvipatara sezvo hurumende ichinzi haina michina inoshandiswa pakuongorora chirwere ichi.

Amai Benedict Makumbe avo vanogara mumusha weMabvuku muHarare vanoti vave kushaya kuti vodii nemwana wavo, Bridget Mandimustira, uyo ane mokore mapfumbamwe ekuberekwa uyo afushirika chiso chake zvavanoti zvakakonzerwa nechirwere chegomarara remuganda iro ravanoti rakatadzwa kurapwa muzvipatara zvemuno.

Amai Makumbe vanoti vakamboenda nemwana uyu kunorapwa kuSouth Africa asi vave kushaya mari yekudzokera kuti mwana uyu anobviswa nyama iri kukura kumeso kwake.

Vaenderera mberi vachiti vana chiremba vemuno vakati havana chavachakwanisa kuita pamwana uyu vachiti izvi zvakafanana nekunzi mwana uyu ngaaende zvake anofa.

Mumwe mugari wemuMabvuku, VaPatrick Chidarikire, vati dai hurumende ikakwanisa kubatsira vanhu vanorwara nezvirwere zvakadai sezvo vachiti vamwe vanhu vanenge vave kusema kugara kana kutarisa vanhu vakadai.

Amai Makumbe vari kukumbira veruzhinji kuti vavabatsirewo nemari inokwana chiuru chemadhora kuti vanorapiswa mwana wavo kuSouth Africa sezvo vana chiremba veko vakati vanokwanisa kuvabatsira.

Zvinonzi vanhu vanorwara nechirwere chakadai vari kungofira mudzimba sezvo zvipatara zvichinzi zviri kuramba kuti vagare muzvipatara vasina kubatsirwa kwavari kuitwa.

Studio7 haina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvehutana, VaDavid Parirenyatwa, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vamwe vashandi mubazi rehutano vasina kuda kudomwa nemazita vachiti havabvumidzwe kutaura nevatori venhau vati chiri kunyanya kuvanetsa ndechekuti hurumende haina mari yekutenga michina inovheneka gomarara re melanoma.

Vatiwo hapana vana chiremba munyika vane hunyanzvi hwekurapa chirwere chakadai.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG