Accessibility links

Breaking News

Kuvakiridzwa kweMudhuri weKariba Dam Kunoparurwa muKariba


A general view of the the Kariba Dam wall between Zimbabwe and Zambia, Feb. 19, 2015, on the eve of the signing of $294 million in deals with international investors. The overhaul project will fix deformities and cracks in walls that were discovered

Vamwe vagari vemuZimbabwe neZambia vapemberera chibvumirano chekupihwa mari kwenyika mbiri idzi kuitira kuti dzigadzirise mudhuri weKariba Dam.

Chibvumirano ichi chinokosha mari inosvika mazana maviri ane makumi mapfumbamwe nemana emamiriyoni emadhora.

Mari iyi, iyo inosanganisira yechikwereti neyerubatsiro, ichashandiswa nenyika mbiri idzi kuvakiridza mudhuri wedhamu reKariba uyo unonzi hauchisina kusimba zvekuti ungangodonha mumakore mashoma anotevera kana ukasasimbiswa.

Chibvumirano ichi chanyoreranwa pamberi pemakurukota ezvemari emuZimbabwe neZambia, VaPatrick Chinamasa naVa Felix Mutati.

Sezvo Zimbabwe yakatemerwa zvirango zvehupfumi nenyika dzekumavirira, mari yavachashandisa ichange iri muZambia iyo ichazopa makambani emuZimbabwe zvishoma nezvishoma zvichienderana nepaanenge ashanda.

Mari iyi inofanirwa kuvaka mukusimbisa mudhuri apo panowira mvura ichibva mudhamu ichipinda murwizi rweZambezi (plunge pool) nekuvandudza maburi anopinda nemvura kana dhamu razara (spillway).

Zvinonzi nanamazvikokota vezvivakwa zvemadhamu mudhuri uyu ukasasimbiswa unogona kuputsika izvo zvinozoita kuti magetsi atadze kugadzirwa.

Pari zvino maburi matatu chete ndiwo ari kushanda.

VaChinamasa vati mari yavapihwa ichavandudza mudhuri kudzivirira kuputsika uko kunogona kuurayisa vanhu vanogara kuzasi kwerwizi rweZambezi vanosanganisira zvizvarwa zvenyika dzeMozambique, Malawi neTanzania.

VaChinamasa vati mari yavapihwa inokwana basa rekutanga nekupedza kuvaka mudhuri nemaburi anobuda nemvura.

VaChinamasa vati zvakakosha kusimbisa mudhuri nekuti ukaputsika unoita kuti munyika muve nemagetsi mashona zvinozokanganisa kufamba kwemabhizinisi.

Mari iyi yakaunganidzwa neAfrican Development Bank ($75m), European Union ($98), World Bank ($75m), Swedish Government ($25) neZambezi River Authority ($19.2 m).

Zvivakwa izvi zvinotarisirwa kupera mumakore matatu anotevera.

Zvichakadaro, vachitaura parutivi pechiitiko chekunyorerana chibvumirano, VaChinamasa vati havasi kudzokera kumashure panyaya yekumisa mabasa vamwe vashandi vehurumende sezvo mari yakawanda yavari kuwana iri kuperera mumihoro yevashandi.

VaChinamasa vati vachabata hurongwa hwekudzikisa mari dzemihoro kubva muzvikamu makumi mapfumbamwe kusvika kuzvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana mugore ra2019.

Vanoona nezvematongerwo enyika vanoti hurumende inoda kuzodzinga vamwe vashandi vehurumende mushure mesarudzo dzegore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG