Accessibility links

Breaking News

Vatongi Vaviri Vatanga Kunzwa Nhasi yaVaMalaba yeKuzvidza Dare rePamusoro


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Kunzwikwa kwenyaya iri kupomerwa VaLuke Malaba yekuti vakazvidza dare repamusoro iro rakatura mutongo wekuti vakanga vasisiri mukuru wevatongi munyika kubva musi waChivabvu 15, kwatanga mudare repamusoro nhasi mumwe mutongi wedare iri achizvibvisa pachikwata chevatongi vari kunzwa nyaya iyi.

Nyaya iyi yanga ichifanira kunzwikwa nechikwata chevatongi vatatu vakapihwa nyaya iyi nemukuru wevatongi vedare repamusoro kuti vanzwe chikumbiro ichi asi umwe wevatongi ava, VaWebster Chinamhora, vageza maoko avo panyaya iyi.

Izvi zvinotevera chikumbiro chasvitswa kudare negweta raVaMusa Kika avo vakasvitsa chikumbiro ichi kudare, Advocate Thabani Mpofu, chekuti VaChinamhora vazvibvise munyaya iyi sezvo vakaita musangano nemunyori muJudicial Services Commission, VaWaltert Chikwanha, neMuvhuro svondo rino ivo VaChikwanha naVaChinamhora vachiziva kuti Judicial Services Commission yakadomwa mumapepa ari pamberi pedare.

Mushure mekugeza maoko kwaita VaChinamhora panyaya iyi, gweta raVaMalaba, Advocate Lewis Uriri, vasvitsawo chikumbiro chekuti nyaya iyi isaenderere nevatongi vaviri asi vatongi ava, Amai Amy Tsanga naAmai Silvia Chirau Mugomba, vatura mutongo wekuti hapana chinovatadzisa kunzwa nyaya iyi sezvo nyaya dzakadai dzichigara dzichingonzwikwa kana nemutongi mumwechete.

Mukusvitsa chikumbiro kudare chekuti VaMalaba vanzi vakazvidza dare, Advocate Mpofu vati VaMalaba vakazvidza dare nekusatevedzera zvakanga zvaturwa nedare kuti vakanga vasisiri mukuru wevatongi munyika kubva musi waChivabvu 15 pavakasvitsa makore makumi manomwe kubudikidza nekuenda kubasa kwavari kuita ipo paine mutongo wakadai.

VaMpofu vatiwo mutongo wakaturwa nedare wakanyorwa pasina kupokana nawo sezvo VaMalaba vasina kuisa mapepa ekupikisa nyaya iyi kudare uye mutongo wakaturwa nedare mutongo usingachinjike kana kuti declaratur.

Asi Advocate Uriri vati mutongo uyu uri kupikiswa mudare reSupreme Court zvichireva kuti mutongo uyu wakabva wasendekwa parutivi nekukwidzwa kwakaitwa nyaya iyi kudare reSupreme Court vachiti izvi zvinoreva kuti mutongo uyu hauchashande kunze kwekunge nyaya yakakwidzwa kudare repamusorosoro reSupreme Court yaraswa.

Gweta regurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, VaThembinkosi Malaba vati mutongo wakaturwa nedare repamusoro hauna zvawakarambidza VaMalaba kuti vasaite saka nokudaro havanganzi vakazvidza dare.

Amai Tsanga naAmai Chirau Mugomba vati vachatura mutongo wavo panyaya iyi rimwe zuva.

Zvichakadai, pane vatongi vatanhatu vatoreswa mhiko nhasi kuve vatongi vedare repamusorosoro reSupreme Court vanoti VaGeorge Chiweshe avo vanga vari mutungamiri wevatongi vedare repamusoro reHigh Court, Amai Felistas Chatukuta, VaSamuel Kudya, VaJoseph Musakwa, VaAlphas Chitakunye na Amai Hlekani Mwayera.

Vatongi ava vatora mhiko pamberi pemutevedzeri wemukuru wevatongi munyika, Amai Elizabeth Gwaunza, pachiitiko chaitwa VaMalaba vasipo.

Munyori mubazi rezvemitemo, Amai Virginia Mabhiza, vati kugadzwa kwaitwa vatongi ava kuchaita kuti nyaya dzikurumidze kufamba mumatare.

Amai Mabhiza vatiwo kusavepo kwaVaMalaba hakurevi kuti vanga vasiri pabasa.

Asi Advocate Mpofu vaudza dare repamusoro kuti sekusaenda kwavaita pakutora mhiko kwaitwa nevatongi ava nhasi, hapana changa chichitadzisa VaMalaba kutevedzera zvakanga zvaturwa nedare kuti vakange vasisiri mukuru wevatongi munyika.

Vatongi vatoreswa mhiko nhasi ava ndivo vakatarisirwa kunzwa chikumbiro chakatsvitswa kudare reSupreme Court nehurumende chekuti mutongo wekuendesa VaMalaba kumudyandigere uraswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG