Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Voshushikana neZviri muBhiri Riri Kuda Kuvandudza Mutemo weZMC


Zimbabwe World Press Freedom Day 2013
Zimbabwe World Press Freedom Day 2013

Sangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, VMCZ, rinoti riri kushushikana zvikuru kuti zvimwe zviri mubhiri remutemo weZimbabwe Media Commission Bill hazvizi izvo zviri kushuvirwa nevatapi venhau.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatapi wenhau wekuzeya zviri mubhiri reZimbabwe Media Commission Bill muBulawayo, mukuru weVMCZ, VaLoughty Dube, vati masangano anomirira vatapi venhau nemamwe anorwira kodzero dzekubudiswa kwenhau kana kufambiswa kwemashoko pasina kumbunyikidzwa akabuda pachena kubazi rezvekufambiswa kwemashoko pane zvaanoda kuti mutemo uyu uve wakaita asi vanoshamisika kuti bhiri iri rakarasa zvimwe zvakakosha zvakataurwa nemasangano aya.

Zimbabwe Media Commission Bill ndemumwe wemitemo mitatu kusanganisira Freedom of Information Act neCyber Security and Data Protection Bill iri kuvandudza mutemo weAccess to Information and
Protection of Privacy Act, AIPPA.

Mumwe mutori wenhau ane mukurumbira munyika, VaTapfuma Machakaire, avo vanove nhengo yebhodhi reVMCZ, vaaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti vatapi venhau vakwanise kuwana mukana wekuzvitsoropodza pachavo mukuita basa ravo kwete kuti izvi zvive zvinosiirwa kuhurumende chete.

VaInnocent Kurwa avo vakamboshanda semupepeti wenhau uye vari nhengo yeProvincial Adjudication Committee yeVMCZ muBulawayo, vati zvakanakira veruzhinji kuti vatori venhau vakwanise kuzvitsoropodza pachavo vachitiwo VMCZ iri kuita basa rakanaka rekuyananisa veruzhinji
nevatapi venhau pane dzimwe nguva kana vatapi venhau ava vachinzi vanenge vatadza kuita basa nemazvo.

Vati nyaya yekuti VMCZ inokwanisa kuyananisa veruzhinji nevatapi venhau pasina mubhadharo inorerutsira veruzhinji.

Taedza kunzwa kubva kumunyori webazi rekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, panyaya iyi asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Nhengo yebato reZanu PF vari mumiriri weMakonde mudare reparamende, VaKindness Paradza, vaudza Studio 7 kuti vatapi venhau havana chekutyira sezvo Zimbabwe Media Commission Bill risati rave mutemo.

VaParadza avo vakambovewo mutapi wenhau vati ivo sevamiriri veparamende ibasa ravo kuti mutemo uyu uve unobudisa zvakanakira vatapi venhau pamwe neveruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG