Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Voyambira Kuti Mitemo Mitsva Iri KUrongwa Isavambunyikidze


Journalist Protest 263 Chat

Sangano reMedia Alliance of Zimbabwe rinoti rinoda kuti mitemo ine chekuita nezvenhau isambunyikidze vatori venhau kuitira kuti vashande vakasununguka nguva dzose.

Mashoko aya anouya apo nyika iine hurongwa hwekuvandudza mitemo inobata kutorwa kwenhau.

Pamusangano wayaita nevatori venhau muHarare neChipiri, Media Alliance of Zimbabwe yati kodzero dziri mubumbiro remitemo yenyika dzinofanirwa kuzadziswa.

MAZ yati inoshungurudzikana zvikuru nekusungwa, kurohwa pamwe nekuvhiringwa kunoitwa vatapi venhau munyika.

Gweta rinoshanda neMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe Chapter, VaKuda Hove, vati basa rekutapa nhau harifanirwe kutorwa semhosva uye vanotarisira kuti mitemo mitsva ine chekuita nezvekufambiswa kwemashoko igadzirise dambudziko iri.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inoti ine chido chekubvisa mutemo we Access to Information and Protection of Privacy Act, kuvandudza Broadcasting Services Act nemitemo ine chekuita nezvekushandiswa kwemadandemutande - Cyber Security Laws.

Hurumende inoti ichaunza mitemo mitatu mitsva ine chekuita nezvekutapwa kwenhau uye pakatotanga hurukuro.

Bazi rinoona nezvekubudiswa kwemashoko, richitsigirwa nezvipangamazano mukunyorwa kwemitemo mubazi rezvemitemo, riri mubishi rekunyorabhiri rekuvandudza mutemo we Information, Broadcasting Services Ammendment Bill pamwe neZimbabwe Media Commission Bill.

VaHove vatiwo vari kutarisira kuti hurumende igadzirise zvavakataura pamusoro pemutemo iyi zvinosanganisira kuti vanhu vanoda kutanga terevhizeni kana radio stations, havafanirwi kupiwa mari pachena anonzi madonations.

Vatiwo vari kushushikanawo kuti Zimbabwe Media Commission iri kupiwa masimba ekusungisa vanhu vanenge vakanganisa zvine chekuita nenhau.

Vachitaurawo vakamirira zvakare MAZ, VaNigel Nyamutumbu, vati kunyange hazvo vachigamuchira zviri kuitwa, uye vari kupindawo mumisangano ine chekuita nekuvandudzwa kwemitemo iyi, vakangomirira kuona kuti hurumende ichazadzikisa here zvainovimbisa.

Kunyange hazvo tisina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, makurukota ari kuona nezvekunyorwa kwemitemo iyi akazivisa patwitwer svondo rapera kuti vaive vakaungana kuNyanga nevane chekuita nezvekodzero dzekufambiswa kwemashoko zvakasununguka vachikurukura mitemo iyi.

Hurumende inotiwo mitemo iyi inofanirwa kuti ifambirane nezviri mubumbiro remitemo yenyika.

Asi MAZ inotiwo kuchine mitemo yakawanda inobata vatori venhau nekufambiswa kwemashoko kwakasununguka inofanirwa kutariswa.

Mitemo iyi inosanganisira Official Secrets Act, Censorship and Entertainment Act, Criminal Law Codification and Reform Act pamwe ne Interception of Communications Act.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG