Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vonyunyuta Mabatirwo Avari Kuitwa neMapurisa


Paul Nyathi -Police
Paul Nyathi -Police

Vamwe vatori venhau vanoti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nemapurisa pavanenge vachiita basa ravo rakanangana nechirwere che Coronavirus, icho chauraya vanhu vatatu muZimbabwe, uye chaurayawo vanhu vanodarika zviuru makumi mapfumbamwe nezvinomwe pasi rose.

Vamwe vatori venhau vanoti vari kushungurudzwa nemapurisa nemasoja zvavanoti zvave kukonzera kuti vatadze kuita basa ravo zvakanaka.

Mumwe mutori wenhau, Mary Taruvinga, uyo anoshandira kambani yeNewZimbabwe.com anoti ashurungurudzwa nemasoja nemapurisa apo paanga achiita basa rake.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Charles Chidhakwa, atiwo akarohwawo nemapurisa neChina ari pabasa.

Zvcihakadai, mumwe mutori wenhau anoshandira bepanhau rekuMasvingo, reTell Zim, Boniface Gumbwanda, anonzi ambochengetedzwa nemapurisa ekuChiredzi mushure mekushanyira chipatara cheko achitevera nyaya ine chekuita nemunhu anonzi afa ikoko achifungidzirwa kuti anga aine chirwere cheCovid-19.

Gumbwanda azosiyiwa nemapurisa asina mhosva yaapomerwa.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, kuti tinzwe kuti chakanyatsokonzera kuti munhu uyu afe chii.

Zvinonziwo mutori wenhau webepanhau reHerald kuMasvingo, Goerge Maponga, amboshungurudzwa kwechinguvana nemapurisa anga akavhara mugwagwa muMasvingo makare, asi azoregedzwa zvake achienda.

Kushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa vatori venhau kwashorwa nemukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa, VaTabani Moyo.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti mapurisa akawiririrana nebazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko kuti vatori venhau vane zvitikinyani havafanire kurambidzwa kuita basa ravo.

VaNyathi vatiwo vatori venhau vanofanira kuita zvinhu zvine hunhu panguva yavanenge vari pabasa zvisingazoite kuti vanetsane nemapurisa.

VaNaythi vati mapurisa nevatori venhau vanofanira kuve nehukama hwakanaka kuitira kuti basa ravo rifambe zvakanaka.

Vatiwo vatanga kushanda nemauto kuvhara migwagwa sezvo veruzhinji vanga vasiri kuda kutevedzera zvakatarwa nehurumende kuti vagare kudzimba.

Zvichakadai, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rakaburitsawo mashoko ekuti harisi kufara nemabatirwo ari kuitwa vanhu nemapurisa nemauto uye sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rakakwidza kumatare nemusi weChina nyaya yemumwe mudzimai wekuKaroi, Amai Lucia Masvondo, avo vanoti vakarumiswa nembwa nemapurisa aiyedza kuti vanhu vatevedzere zvakatarwa nemutungamiri wenyika kuti zviitwe panguva iyo nyika yakavharwa nepamusana pechirwere che Coronavirus.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatarisirwawo kuburitsa mashoko manheru ano ekuti ndeapi mamwe matanho avachatora sehurumende pamusoro pechirwere ichi, icho chauraya vanhu vatatu uye kubata vanhu gumi nevatatu munyika pari zvino, uye chaurayawo vanhu vanodarika zviuru makumi mapfumbamwe nezvinomwe pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG