Masangano evatori venhau anoti ari kushushikana zvikuru nekurambidzwa kuri kuitwa vatori venhau kutaura nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vari kushanya munyika mavari kuongorora nyaya dzezvirango zvakatemerwa Zimbabwe pamwe nekutyorwa kunonzi kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika.
Vatori venhau havasi kubvumidzwa kutora mifananidzo yaAmai Douhan pamwe nekuvabvunza mibvunzo panguva iyo vari munyika zvichitevera kukokwa kwavakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vazoongorora mamiriro ezvinhu munyika panyaya dzekodzero dzevanhu pamwe nekuti zvirango zviri kukanganisa zvakadii raramo yeveruzhinji munyika.
Vatori venhau havana kubvumidzwa kutaura naAmai Douhan pavasangana naVaMnangagwa nemamwe makurukota ehurumende nezuro.
Nhasi vatori venhau varambidzwa zvakare kutaura pamwe nekutora mifananidzo Amai Douhan pavaita misangano nemutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, mukuru wevatongi vematare edzimhosva munyika, VaLuke Malaba pamwe negurukota rinomirira purovhinzi yeHarare, VaOliver Chidawo.
VaNigel Nyamutumbu, avo vanoshanda nesangano rinomirira vatori venhau reZimbabwe Union of Journalists vachishanda zvakare nesangano reMedia Alliance of Zimbabwe, vaudza Studio 7 kuti havasi kufara nedanho ratorwa nehurumende rekurambidza vatori venhau kutaura naAmai Douhan.
Izvi zvtsinhirwawo nasachigaro wesangano reMedia Institute of Southern Africa - Zimbabwe Chapter, VaGolden Maunganidze, avo vati zviri kuitwa nehurumende izvi zvinotyora kodzero dzevatori venhau.
VaNyamutumbu vatiwo kurambidzwa kuri kuitwa vatori venhau kutaura naAmai Douhan kunoita sokunge hurumende ine zvairi kuvanza.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, sezvo vanga vachinzi vanga vari mumusangano wedare remakurukota ehurumende kana kuti cabinet meeting.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanziwo vari kunze kwenyika.
Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vaudza Studio 7 kuti Amai Douhan ndivo vakakukmbira kuti vasataure nevatori venhau kudzamara vapedza misangano yavo.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raAmai Douhan pane zvataurwa naVaCharamba.
Pahurongwa hwakaziviswa nehurumende, Amai Douhan vakatarisirwa kuita misangano nemakurukota akawanda uye vakatarisirwa kushanyira dhorobha reBulawayo neMugovera vozoenda kwaMutare neChipiri svondo rinouya.
Kunze kwehurongwa hwehurumende uhwu, Amai Douhan vakatarisirwa kuti vachasanganawo nevemapato anopikisa, vemabhizimusi, masangano anoshanda akazvimirira, vanorwira kodzero dzevanhu, vedzisvondo nevamwe asi hazvisati zvazivikanwa kuti misangano iyi ichaitwa rinhi.
Mushure mekushanya kwavo, Amai Douhan vakatarisirwa kutura zvavanenge vawana kumusangano weUnited Nations Human Rights Council uchaitwa muna Gunyana wegore rinouya.
Bepanhau reHerald rinoti zvirango zvakonzera kuti Zimbabwe irasikirwe nemari inosvika mabhiriyoni makumi mana emadhora ekuAmerica, US$40 billion, mumakore makumi maviri adarika.
Asi nyika dzakatemera izvi dzinosanganisira America nenyika dziri mugungano reEuropean Union dzinoti hadzisi kuzobvisa zvirango izvi kudzamara VaMnangagwa vamira kutonga nedemo.
Nyika idzi dzinotiwo zvirango hazvina kutemerwa nyika yose asi kuti vashoma vanotyora kodzero dzevanhu.
VaMnangagwa, avo vanogara vachiti zvirango izvi zvibviswe pose pavanenge vawana mukana wekutaura nevekunze, vanoti zvirango izvi zviri kurwadza veruzhinji munyika.
Facebook Forum