Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vanorohwa neKuputsirwa Mishina Yavo Vachiita Basa Ravo


Takudzwa Ngadziore
Takudzwa Ngadziore

Vanhu vasiri kuzivikanwa kuti ndivanani varova zvakaipisisa vatori venhau pamwe nemutungamiri weZinasu, VaTakudzwa Ngadziore, pavanga vachiita musangano nevatori venhau pedyo nemahofisi ekambani yeImpala Car Rental.

Kambani iyi ndiyo ine motokari inonzi yakashandiswa mukupambwa kwemumwe mudzidzi kuBulawayo, VaTawanda Muchehiwa, muna Chikunguru.

Mutapi wenhau weStudio7, Godwin Mangudya, apwanyirwa muchina wake wekutapisa manzwi, mutori wenhau anoshanda akazvimirira achitora nhau dzemifananidzo, James Jemwa, atorerwawo camera yake nevanhu ava.

Vamwe vatori venhau varohwa vanoti Thomas Madhuku wekambani ye263chat, Bernard Mpofu, Munashe Chokodza nevamwe.

Zvinonziwo vamwe vatori venhau vatorerwawo nharembodza dzavo.

Gweta riri kumirira vatori venhau ava, VaChris Mhike, vanoti Jemwa akuvara zvakaipisa uye vamhan’ara nyaya yekurohwa kwevatori venhau iyi kumapurisa.

Mutungamiri wesangano rinorwira kodzero dzevatapi venhau, reMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vashora zvaitika kuvatori venhau izvi.

VaNgadziore vaudza Studio7 parunhare kuti vapambwawo muchiitiko ichi vakasiya vazvindikitwa uye vati kambani yeImpala inofanira kubuda pachena kuti ndiyani akabhadhara kuti ashandise mota yakashandiswa mukupambwa kwakaitwa Muchehiwa.

VaNgadziore vanonzi vasungwa ndokuchengetedzwa nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati mapurisa ari kuferefeta nyaya yekurohwa kwaitwa vatori venhau ava.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG