Accessibility links

Breaking News

Chin'ono Opa Humbowo Mudare Musina Veruzhinji Kusanganisira Vatori veNhau


Hopewell Chin'ono Bail Application Hearing
Hopewell Chin'ono Bail Application Hearing

Mutori wenhau Hopewell Chin’ono akatarisirwa kupa humbowo hwemamiriro akaita zvinhu mumajeri neChina mudare musingabvumidzwe veruzhinji pamwe nevatori venhau.

Muchuchisi wenyaya iyi, VaWhisper Mabhaudhi, vakumbira dare kuti Chin’ono ape humbowo hwake hwemamiriro akaita zvinhu mumajeri pasina vatori venhau neveruzhinji vachiti mashoko achataurwa naChin’ono anogona kukanganisa kuchengetedzeka kwenyika, majeri, vashandi vemumajeri pamwe nevasungwa.

Chikumbiro chehurumende ichi chatevera kuda kuunzwa pachituru chehufakazi kwaChin’ono negweta rake, Amai Beatrice Mtetwa, avo vati mumajeri hamusi kutevedzera zvakatarwa nehurumende pamwe nesangano reWorld Health Organization kuti zvitedzerwe senzira yekuderedza mukana wekutapuriranwa kwechirwere cheCovid19.

Vachipikisa chikumbiro chehurumende ichi, Amai Mtetwa vati bumbiro remitemo yenyika rinopa Chin’ono mukana wekuti atongwe zviri pachena uye pajekerere vachiti kuti ape humbowo hwake mudare musina vanhu zvinotyora kodzero idzi.

Vatiwo mamiriro akaita zvinhu mumajeri anofanirawo kuzivikanwa neveruzhinji uye zvichaitawo kuti hurumende igadzirise zviri kunetsa kumajeri kuitira vashandi vemumajeri pamwe nevasungwa vasabatwe nechirwere cheCovid19.

Amai Mtetwa vaudzawo dare kuti Chin’ono ari kupona nekudya mabisiketsi nemvura sezvo vachengeti vemajeri vari kuramba kuti avigirwe chikafu nehama dzakae.

Asi mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati bumbiro remitemo hongu rinopa Chin’ono kodzero asi kodzero idzi dzinofanira kutyorwa kana zvichikanganisa kuchengetedzeka kwenyika pamwe nemajeri.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi.

VaMtisi vati havasi kufara nemutongo waturwa nedare kunyange hazvo nhepfeyuro yeZBC nebepanhau reHerald vakakwanisa kupinda mumajeri vachiburitsa mamiriro akaita zvinhu mumajeri maererano nechirwere cheCovid19.

VaMtisi vati hapana zvakawanda zvine chekuita nekuchengetedzeka kwenyika zviri kuda kutaurwa naChin’ono.

Chin’ono, uyo aunzwa mudare akasungwa nengetani dzemumakumbo izvo zvapa kuti magweta ake apopote, akatarisirwa kupa hufakazi hwake mangwana mangwanani mudare muine magweta nemutongi chete achitsigira chikumbiro chake chekuti apihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso achiti pane zvashanduka kubva paaakambonyimwa mukana uyu.

Zvichakadai, gweta remutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, VaMoses Nkomo vatiwo havasi kufara kuti nyaya yaVaNgarivhume yatadza kupinda mudare pachinzi hapana mutongi wenyaya yavo.

Chin’ono naVaNgarivhume vari kupomerwa nyaya yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati musi wa31 Chikunguru vachishandisa madandemutande avo eTwitter mukuratidzira kwakanga kwashevedzerwa neboka riri kuzvidaidza kuti July 31st Movement.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, varwiri vekodzero dzevanhu vanomwe avo vakasungwa muna 2018 vachipomerwa mhosva yekunopinda misangano kuMaldives wakanangana nekupidugura hurumende, vabviswa muhusungwa nhasi mushure mekunge hurumende yazivisa dare kuti haichadi kuenderera mberi nenyaya iyi.

Vanhu ava vanoti VaFrank Mpahlo, VaGeorge Makoni, Muzvare Stabile Dewa, Amai Rita Nyamupinga, VaGamuchirai Mukura, Muzvare Farirai Gumbonzvanda naVaTatenda Mombeyarara.

VaMakoni vati zvinofadza kuti havasisina mhosva iri pamberi pedare kunyange hazvo vachirwadziwa nenguva yavakagara vari muhusungwa.

Kusungwa kwevarwiri vekodzero dzevanhu ava pamwe naChin’ono naVaNgarivhume kuri kushorwa zvakanyanyanya nemasangano akawanda pasi rose izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika zvasvibisa zita rehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG