Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Hopewell Chin'ono, Anonyimwa Mukana Wekubvisa Mari yeChibatiso


Hopewell Chin’ono In Court Jan 13

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, anyimwa mukana wekutongwa achibva kumba kwake pamhosva yaari kupomerwa yekunzi akaburitsa mashoko emanyepo.

Mutongi wedare, VaLanzini Ncube, vatura mutongo wekuti Chin’ono haakodzere kutongwa achibva kumba kwake sezvo vati pane humbowo hwakawanda hunoratidza kuti Chin’ono akapara mhosva yaari kupomerwa.

VaNcube vati zviri pachena kuburikidza nehumbowo hwakasvitswa kudare nemupurisa ari kuferefeta nyaya iyi kuti mwana anonzi akarohwa nemupurisa nemboma muHarare mupenyu saka nokudaro mashoko anonzi akaburitswa naChin’ono ndeemanyepo.

VaNcube vati Chin’ono ane dzimwe nyaya mbiri dzichiri mumatare saka nokudaro vati munhu anoratidza kuti ihoromori.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaPaidamoyo Saurombe, vatenda kuti izvi ndizvo zvaturwa nedare.

VaSaurombe vati vachakwidza nyaya kudare repamusoro vachipikisa mutongo waVaNcube.

Mune imwe nyaya yakafanana neiri kupomerwa Chin’ono, mumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vasvitsa chikumbiro kudare chekuti vatongwe vachibva kumba asi muchuchisi wenyaya iyi, VaLancelot Mutsokoti, vanga vachipikisa chikumbiro ichi.

VaMutsokoti vashevedza mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaDavison Ngesi, kuti vape humbowo mudare vakaudza dare kuti vane humbowo hwakawanda hunoratidza kuti VaSikhala vakapara mhosva yekuburitsa manyepo nekukurudzira mhirizhonga kuburikidza nemashoko avanoti vakanyora padandemutande ravo reFacebook maererano nezvemwana uyu.

Asi VaSikhala kuburikidza negweta ravo, Va Jeremiah Bamu, vati dandemutande iri harisi ravo saka nokudaro nyaya yavari kupomerwa iyi ndeyemubikirwa.

VaBamu vatenda kuti mutongi wedare panyaya iyi, VaNgoni Nduna, vati vachatura mutongo wavo mangwana.

Chin’ono naVaSikhala vanonzi vakataura manyepo mushure mekunyora pamadandemutande avo nezvemwana anonzi akarohwa nemumwe mupurisa akafa asi mapurisa akazoburitsa mashoko achiti mwana uyu haana kufa, haana kurohwa uye kana kukuvara zvakazoita kuti vaviri ava vasungwe.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vakasungwawo nenyaya imwecheteyo vakatarisirwa kudzoka kudare mangwana, Chishanu, kuzopihwa mutongo panyaya yavakasvitsa kudare kuti chikamu chemutemo chavanonzi vakatyora chiri kunze kwemutemo sezvo dare repamusoro rakarasa chikamu ichi muna 2014.

Asi vatongi vedare ramejasitiriti vaviri vakatotura mutongo panyaya yaChin’ono naVaSikhala kuti chikamu ichi chiri pamutemo sezvo chakavandudzwa neAmendment 3 yakaitwa muna 2016.

Vasungwa vese vari vatatu ava vanoti vari kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG