Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika Mukucherechedza Zuva reVashandi Pasi Rose


Workers Day 3
Workers Day 3

Vashandi nevashandirwi vacherechedza zuva revashandi pasi rose vari mudzimba dzavo nepamusana pechirwere cheCovid-19 masangano avo achikurudzira kuti munyika muite nhaurirano pamisoro yemihoro iyo vashandi vari kuti haisi kuvakwanira.

Ukuwo makambani akawanda anoti anogona kutadza kutanga zvakare basa kana chirwere cheCovid-19 chapera.

Kekutanga munhoroondo rezuva revashandi pasi rose, zuva iri racherechedzwa nhasi vanhu vari mudzimba dzavo zvichitevera kuvharwa kwakaitwa nyika senzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19 icho chiri kuita chamurambamhuru chichiuraya vanhu pasi rose.

Mumwe mushandi, Amai Rutendo Zhou, vati kunyange hazvo nguva zhinji vanga vari kuchema chema nemihoro isingakwani kuriritira mhuri dzavo, kuuya kwechirwere cheCOVID-19 kuri kuwedzera zvakanyanya matambudziko avo sezvo vari kudzikisirwa muhoro wavo.

VaZhou vati remangwana ravo vari mushandi harina kujeka.

Mumwe mushandi, VaJeff Chaitezvi, vatiwo zvinhu zvinosuwisa kuti vamwe vashandi vari kubvisirwa mari sezvo vasiri kuenda kubasa, ukuwo vamwe vashandirwi vave kutotora mukana wechirwere ichi kudzinga vamwe vashandi.

Mumwe mushandi munezvekushanyirwa kwenyika, VaGodknows Homwe, vati havasisina kana tarisiro neramangwana ravo.

Sangano guru rinomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti kuuya kwechirwere cheCoronavirus kwayanika pachena kusatongwa kwakanaka kwenyika.Mutungamiriri weZCTU, VaPeter Mutasa, vaudza Studio7 kuti chirwere cheCoronavirus chichasiya nyika yave mamvemve nekuti hupfumi hwenyika hwanga hwaparara kare.

VaMutasa vati kuti nyika igadziriswe, panofanirwa kuitwa hurukuro pakati pevashandi, vashandirwi nehurumende kuitira kuti pabudwe negwara rinoita kuti nyika ienderere mberi.

VaMutasa vatiwovakatonyorera kuhurumende nevemabhizimusi kuti kuiswe mitemo inochengetedza vashandi panguva ino nyika iri kurwisana nechirwere cheCOVID-19.

VaMutasa vatiwo sesangano revashandi vanodawo kuti hurumende ibetsere mabhizimusi ari kutambudzika panguva ino pamwe nevanhuwo.

VaMutasa vatiwo sangano ravo rakagadzirira kubetsera vese vachadzingwa mabasa kana kutapudzirwa mari dzavo kuburikidza nekuendesa nyaya idzi kumatare evashandi.

Asi mukuru wesangano revashandirwi reConfederation of Zimbabwe Industries, VaHenry Ruzvidzo, vanoti vanotarisira kuti vashandi nevashandirwi vakurukure kuti vanga batsirana sei sezvo vashandirwi vasinawo chavari kuwana.

VaRuzvidzo vati kunyange hazvo pane hurukuro pakati pevashandirwi nehurumemde, hapana chati chajekeswa kuti hurumende ichabatsira seyi vashandirwi.

VaRuzvidzo vaudzawo Studio7 kuti makambani mazhinji anogona kutadza kuzosimudzira mabasa awo sezvo anga asina mari yaange akachengetera njodzi nekuda kwekumira kwakaita hupfumi hwenyika.

Mumashoko avo kuvashandi nhasi, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vanonzwisisa zvakanyanya matambudziko ari kusanganikwa nevashandi, uye vabvumawo kuti vashandi avo vanga vagara vari kutambira mari yemihoro isingakwani, vave padambudziko rekugona kurasikirwa nemihoro yavo vamwewo namabasa vakatiwo mhuri zhinji dziri kutambura munyika.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo ichatsanangura rubatsiro rwaichapa mumazuva mashoma ari kutevera .

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inotiwo gore rino vashandi vari kupemberera zuva ravo vakasurukirwa.

Mumashoko avatumira Studio7, vanoona nezvevashandi mubato iri, Seneta Gideon Shoko, vati vashandi vakatarisana neramamgwana rakaomarara zvikuru.

Vatorawo mukana uyu kurumbidza vashandi vezvehutano vari kuisa hupenyu hwavo panjodzi vachiedza kupedza dambudziko reCOVID-19.

Zuva reInternational Workers Day rakasarudzwa sezuva rekurangarira mabasa anoitwa nevashandi pasi rose, uye nhoroondo yaro inotangira muna 1886 apo vashandi vemuguta reChicago mu America, vakaratidzira vachida kuti mushandi ashande zviri pamutemo, kwemaawa masere pazuva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG