Accessibility links

Breaking News

VaJoe Biden Vanotambira Kudomwa Kwavo Kuti Vamirire Democratic Party Musarudzo yeMutungamiri weAmerica.


Former vice-president and Democratic presidential nominee Joe Biden (L) and Senator from California and Democratic vice presidential nominee Kamala Harris greet supporters outside the Chase Center in Wilmington, Delaware, at the conclusion of the…
Former vice-president and Democratic presidential nominee Joe Biden (L) and Senator from California and Democratic vice presidential nominee Kamala Harris greet supporters outside the Chase Center in Wilmington, Delaware, at the conclusion of the…

Vachitambira kusarudzwa kwavo zviri pamutemo nebato ravo re Democratic Party kuti vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika, Va Joe Biden vakaburitsa pachena kuti mutungamiri wenyika, Va Donald Trump, avo vavari kukwikwidzana navo muna Mbudzi, havana kubata zvakanaka chirwere che Covid-19.

VaBiden vakatiwo vakasarudzwa semutungamiri wenyika, vachabvisa kutya kuri muvanhu uye kuona kuti America yabatana nepasi rose kuitira rakanaka repasi rose

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kune rImwe rutivi, Va Trump vari kushandisa mazwi ekuti ndiyani anogona kugadzirisa hupfumi hwenyika pakati pavo naVaBiden.

VaTrump vari kushorawo Va Biden vachiti havana kusimba, uye munhu ane pfungwa dzegwara rekumabvazuva, uyo anoda kukwidza mitero nekutengeserana zvinhu pamadiro nepasi rose nechinangwa chekuendesa mabasa kunze kwe America.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, Va Moses Rumano, vanoti vakafara zvikuru nezvakataurwa naVaBiden sezvo zvichizokwanisa kubatanidza America nepasi rose.

"Ndakafadzwa nezvakataurwa naVaBiden pamusoro pezvirongwa zvavanazvo zvekubatanidza nyika nekurwisa chirwere cheCovid-19 uye nekumutsiridza hupfumi hwenyika. Ndine chivimbo chekuti VaBidden vachakwanisa kusimudzira kodzero dzemadzimai, vatema nevabvakure," Va Rumano vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG