Accessibility links

Breaking News

VaGodfrey Kurauone Vorumbidza America Vachiti Inokoshesha Bumbiro reMitemo Rayo


Godfrey Kurauone

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Va Geodrey Kurauone, vanova mumiriri we ward 4 mukanzuru yeMasvingo vakamirira bato reMDC-A, vanoti vari kudzidza zvakawanda pamusoro pehutongi wejechetere - democracy pane zvavari kuona zvichiitika muAmerica.

Vanoti kumiswa kwevaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, pamberi pedare reSenate vachipomherwa mhosva yekupesvedzera vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga mwedzi wapera vachiramba zvakabuda musarudzo umo vakakundwa, chinhu chavasingawone chichiitika munyika dzemu Africa kusanganisira Zimbabwe.

Vanoti izvi zvinoratidza kuti hutongi hwejechetere huchiri kushanda uye America inoremekedza bumbiro remitemo yaro pasina kuti unobva mumba maani.

"Tichange takatarisa zvichabuda mudare reSenate nekuti munyika dzemu Africa kana Zimbabwe kashoma kuwona vadare vachipikisa zvinenge zvataurwa nemutungamiri wavo izvo tinowona zvichiitwa nevamwe vadare vemaRepublicans vasiri kubvimirana nezvakaitwa naVaDonald Trump," VaKuraune vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weVOA Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG