Accessibility links

Breaking News

Muzvare Caroline Chigangaidze Vokurudzira Veruzhinji Kuti Vabaiwe Nhomba yeCovid-19


Caroline Chigangaidze
Caroline Chigangaidze

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muMaryland muAmerica, Muzvare Caroline Chigangaidze, vanoti vane tarisiro yekuti mutungamiri mutsva weAmerica, VaJoe Biden, vachabudira muchirongwa chavo chekuti vanhu vazhinji vabaiwe nhomba yeCovid-19 mumazuva zana anotevera.

Muzvare Chigangaidze vabaiwa nhomba yavo yekutanga nhasi, Chitatu, uye vanoti vanhu vazhinji vechitema vemuAmerica vachiri kutya kubayiwa nhomba iyi zvichienzaniswa nevachema skubuda kwazviri kuita muzvinyorwa zvakaparurwa navana mazvikokota ezvehutano.

Vanoti semunhu anoshanda nevarwere vazhinji vakawona zvakakodzera kuti vabaiwewo nhomba iyi.

Chiremba vekuNew York, Dr Monalisa Muchatuta, avo vakabaiwa nhomba mbiri dzeCovid-19, vanotiwo zvinhu zviri kufamba zvakanaka uye veruzhinji havafanirwe kutya kubayiwa nhomba iyi.

Muzvare Chigagaidze vanoti shuviro yavo sechizvarwa cheZimbabwe ndeyekuti America pasi paVaBiden isimbisewo hukana nedzimwe nyika dzemuAfrica kuitira kuti pave nekuvandudzwa kwehupfumi munyika idzi

"Ndino shuwira kuti mungava inotevera hukama hweAmerica ne Africa husimbaradzwe pave nekudyidzana kwakasimba uye ndine vimbo kuti VaJoe Biden vachakwanisa kuti chirongwa chavo chekuti vazhinji vabaiwe nhomba yeCovid-19 muma zuva zana anotevera chibudirire," vadaro Muzvare Chigangaidze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG