Accessibility links

Breaking News

Japan Inopa Zimbabwe Mamirioni Gumi neMashanu Emadhora EkuAmerica Kutenga Chikafu Chevanonetseka


Mukuru wehurunde yeJapan, VaShinzo Abe

Hurumende yeJapan yapa Zimbabwe mari inopfuura mamirioni mashanu emadhora ekuAmerica kuti ishandiswe mukutenga chikafu chevanhu vakatarisana nenzara munyika. Mari iyi yaiswa mumaoko esangano rinobatsira mune zvechikafu pasi pose, reWorld Food Programme (WFP), iro richatenga chibage nekuona kuti chasvika kuvanhu vakatarisana nenzara muZimbabwe mwedzi wa Chikumi usati wapera. Kusanaya kwemvura, pamwe chete nemamiriro akaita nyaya dzezvehupfumi muZimbabwe, zvakonzera kuti Zimbabwe itarisane nedambudziko guru munezvekudya. Ongororo ichangoitwa muZimbabwe yese ne Integrated Food Security Phase Classification (IPC) inoratidza kuti vanhu vakatarisana nedambudziko gurusa rechikafu munyika vave kupfuura mamirioni mana, zvinorevava kuti vanhu vatarisana nedambudziko rezvekudya vawedzera kubva pavakange vari pakupera kwe gore rapfuura apo vakange vari mamirioni matatu. Ongororo ichangopedziswa kuitwa iyi, inoratidzavo kuti vanhu vakatarisana nedambudziko rechikafu munyika vave padyo nemamirioni masere. Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vakambotungamiravo sangano reChristian Care, Reverend Forbes Matonga, vaudza Studio 7 kuti Japan yaratidza chido chikuru kuvanhu veZimbabwe nekuti yavarangarira panguva iyo nyika zhinji pasi pose, kusanganisira iyo Japan, dziri kunetseka nekubatsira zvizvarwa zvadzo mudambudziko re kuchirwere cheCovid-19. Reverend Matonga vati hurumende yeJapan inofanirwa kutendwa zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG