Accessibility links

Breaking News

SADC Yoita Musangano weChimbi Chimbi Kuti Izeye Zimbabwe


President Jacob Zuma

SADC yadaidzira musangano wechimbi chimbi wekuzeya zviri kuitika muzimbabwe zvichitevera kupindira kwakaita mauto emuzimbabwe munyaya dzematongerwo enyika. Musangano we SADC Troika uri kuitwa China masikatimu Gaberone kuBotswana.

Musangano uyu wadaidzirwa nasachigaro we SADC, Va Jacob Zuma, avo vakurudzira mauto emuZimbabwe kuti achengetedza runyararo pamwe nekugadzikana kwemunhu wese.

VaZuma vati vari kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe, umo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vachiri vakachengetedzwa nemauto kubva musi weChipiri manheru.

Nyika dziri mu SADC Troika dzinoti Angola, Tanzania ne Zambia.

Imwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika inotaura yakazvimirira, Doctor Wangu Mazodze, vanoti SADC yamhanyira zvisina musoro panyaya yeZimbabwe, sezvo muZimbabwe musina ropa riri kudeuka.

Doctor Mazodze vanoti chinoshamisa ndechekuti paideuka ropa revana veZimbabwe, SADC haina kumhanyira kunogadzirisa zvechimbi chimbi dambudziko rainge rakatarisana nevana veZimbabwe.

Doctor Mazodze vatiwo semaonero avo, SADC iri kumhanyira panyaya yeZimbabwe senzira yekubatsira mumwe wayo, VaMugabe,avo vari parumananzombe.

Vatiwo VaMugabe ndivo vakakanganisa kuburikidza nekusaita zvinhu zvakatenderenwa munguva yehondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG