Accessibility links

Breaking News

Masaisai eIndaneti Anovharwa Kuti Vanhu Vatadze Kutumira Mavhidhiyo neMapikicha


Dewa Mavhinga
Dewa Mavhinga

Hurumende inonzi yavhara masaisai eindaneti kuitira kuti vanhu vatadze kutumira mavhidhiyo nemapikicha ezviri kuitika munyika.

Whatsapp, Facebook ne Twitter zvanga zvisiri kushanda muZimbabwe.

Vanhu vazhinji vanoti havasi kukwanisa kushandisa masaisai eindaneti.

Vamwewo vanoti nharembozha dzavo hadzisi kushanda zvakanaka.

Vemapato anopikisa vanoti kudzimwa kwemasaisai kuri kuitirwa kuti hurumende ivanze kumbunyikidzwa nekurohwa kuri kuitwa vanhu munzvimbo dzavanogara, umo vanonzi vari kupindirwa mudzimba nemapurisa nemauto vachirohwa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pamusoro penyaya iyi sezvo nhare mbozha dzanga dzichinetsa.

Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kuEconoet, Telcel kanawo Potraz kuti tinzwe kuti zvinhu zbakamira seyi.

Asi naynzvi munyaya dzemitemo dzinoti Potraz inogona kunge yakaudzwa nehurumende kuti iiudze makambani embozhanhare kuti avhare masai sai awo.

Izvi zvikaitwa nenzira yakadai, kambani inenge isina kuteerera zvinenge zvatarwa nePotraz inogona kusungiswa nemitemo yenyika.

Gweta rinonzwisisa nezvemitemo yemasai sai uye vari mukuru wesangano re Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti zvaitwa izvi zvekuvhara indaneti zvinotyora kodzero dzevanhu nemitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Imwe nyanzvi munyaya dzezveindaneti, VaRobert Ndhlovu, avo vakamboshandira kumuzinda wekambani yeGoogle, kuMountain View mu America, vanoti zviri nyore kuvhara masaisai nekuti hazvitori nguva yakareba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG