Accessibility links

Breaking News

ZITF Inotanga muBulawayo


ZITF 2017
ZITF 2017

Chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair, ZITF, chegore rino chatanga neChipiri muBulawayo pasina zvakawanda zvange zvichiitika, vamwe vari kuratidza zvinhu zvavo vachiti chirongwa ichi chinoramba chakakoshera vemaindasitiri nemamwe mabhizimisi.

Vamwe vevari kuratidza zvinhu zvavo paZITF vanoti chirongwa ichi chinoramba chakakosha sezvo chichivapa mukana wekuzvishambadza, zvisinei kuti zvehupfumi munyika hazvina kumira zvakanaka.

VaSasha Zivanai ndivo mumwe wevakuru vakuru vekambani yeFamily Castings Private Limited iyo inogadzira simbi dzakasiyana-siyana dzinoshandiswa mumigodhi pamwe nemuma indasitiri.

VaZivanai, avo vati kambani yavo yakavambwa mugore ra1992, vatiwo gore rino ndiko kekutanga vachitadza zvavanogadzira paZITF vachiti vakawona kuita izvi kwakanakira kambani yavo.

Amai Sikhangezokuhle Simali ndivo mukuru wezve kufambiswa kwemabasa mukambani yeMillenium Footwear iyo inogadzira shangu.

Amai Simali vati sezvo kambani yavo ichagadzira zvinhu zvainozotengesa kune vanhu vanozozvitengesawo, zvakakosha kuti izvishambadze pachirongwa chakadai seZITF.

VaPhillemon Mupupa veNamibia Port Authority iyo inove kambani yehurumende yeNamibia inowona nezvekufambiswa pamwe nekuchengetedzwa kwezvinhu zvinosvikira pamahombekombe egungwa munyika umu.

VaMupupa vati rino ndiro gore rechitanhatu kambani yavo ichiuya paZITF vakatiwo hapana zvavati vawona zvinobatika zvati zvawanikwa nekambani yavo nekuve muchirongwa ichi asi vati vanotarisira kuti izvi zvichachinja.

Hurumende yeNamibia yakapa hurumende yeZimbabwe nzvimbo yepanosvikira zvinhu zvakasiyana-siyana zvinoda kutakurwa nezvikepe muguta reWalvis Bay.

VaMupupa vati vanotarisira kuti kupera kuvakwa kwenzvimbo iyi uko kunotarisirwa kuitika pakati pegore rino, kuchaita kuti Zimbabwe iwedzere kufambiswa kwezvinhu zvinobva kana kuenda mhiri kwemakungwa ichishandisa Windhoek.

Pari zvino Zimbabwe inonyanya kushandisa guta reBeira riri muMozambique.

Gore rino nyika gumi neina dziri kuratidza zvigadzirwa zvadzo, uye nzvimbo inosvika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvenzvimbo dzekuratidzira zvigadzirwa, dzakatotorwa nemakambani akasiyana siyana.

Mutungamiri weNamibia, VaHage Geingob, ndivo vachavhura ZITF yegore rino zviri pamutemo nemusi weChishanu Kubvumbi 28, uye mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotarisirwa kuve varipo pachiitiko ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG