Vateveri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vatambira mashoko anofadza ayo ari kubva kuSouth Africa.
Gwaro rabuditswa nechikwata cheKaiser Chiefs chekuSouth Africa rinoti mutambi wemaWarriors, Khama Billiat, adzoka munhandare mushure mekupedza mwedzi miviri asingatambe nekukuvara.
Billiat akakuvara musi wa 1 Zvita apo chikwata chake chaitamba neMaritzburg United asi achange ari munhandare zvekare mangwana apo Kaiser Chiefs iri kusangana neRoyal Eagles mumakundano eNedbankCup.
Kudzoka kwaBilliat kwafadza vateveri venhabvu muZimbabwe sezvo kwauya panguva iyo Zimbabwe iri kugadzirira mitambo miviri neAlgeria ye2021 Africa Cup of Nations iyo iriko musi wa 23 na 30 Kurume,
Billiat ndiye akasimudzira maWarriors apo akakanda chibodzwa chakarova Zambia 2-1 mumakundano eAfrica Cup of Nations iwaya.
Billiat anaya zvekare panguva iyo mumwe mutambi wemuZimbabwe, McCaulley Bonne, weCharlton Athletic, azvipira kutambira maWarriors mushure mekutadza kuita izvi kwenguva refu.
Pamusoro peAfcon, Zimbabwe iri kutamba zvekare mumakwikwi e2022 World Cup umo vari mugungano rimwechete neGhana, South Africa neEthiopia.
Maneja wemaWarriors, VaWellington Mpandare, vanoti mushure mekubudirira kuenda kumafainari eChan, vari kuona Zimbabwe ichienda kuNations Cup uyezve nekukwikwidza zvakasimba muWorld Cup.
Asi maWarriors ari kutarisira kuiswa mugungano rakapfava mumakwikwi eChan apo ari kupinda munguwani yemubatanidzwa yezvikwata ichaitwa neveCaf muCameroon musi wa 17 Kukadzi
Kunze kweZimbabwe neCameroon, zvimwe zvikwata zviri kuenda kumafainari aya iCongo, DR Congo, Guinea, Rwanda, Togo, Uganda, Tanzania, Libya, Morocco, Namibia, Burkina Faso, Mali neZambia.
Kunyange hazvo nhabvu yemunyika dzinoti Morocco, Congo DR neTanzania yakati simukirei, mumwe muteveri wenhabvu, Muzvare Nyarai Masvaure, vanoti Cameroon sechikwata chiri pamusha, ndiyo chete ichatora mukombe.
Makundano eChan anokwikwidzwa nevatambi vanotambira zvikwata zvemunyika dzavo chete.
Mutsigiri we chikwata cheCaps United, VaPhillip Regede, vanoti hazvinei kuti maWarriors achatambidzwa zvikwata zvipi asi kuti gadziriro yakasimba ndiyo inodikanwa.
Makundano aya ari kushandiswa zvekare kuona kuti Cameroon inokwanisa here kuzosimudza makwikwi e 2021 Africa Cup of Nations ayo ari kufanirwa kuitirwa munyika iyi muna Ndira.
Aka kave kechishanu kakateverana Zimbabwe ichibudirira kuenda kumafainari eChan.
Asi panguva dzese yanga ichirohwa munharaunda yekutanga.
Facebook Forum