Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Yazadzikisa Zviga ZveUnited Nations paDenda reHIV/AIDS Asi Vamwe Vanoti Ongororo Ichiri Kudiwa


 HIV AIDS Ribbon
HIV AIDS Ribbon

Mukuru weNational Aids Council Dr Bernard Madzima vanoti Zimbabwe yabudirira kuzadzikisa zviga zveUnited Nations zvinozivikanwa nekuti 90-90-90 zvaifanira kunge zvaitwa mugore ra2020.

VaMadzima vakataura mashoko aya apo vaiparura gwaro reGlobal Aids Monitoring nemusi weChishanu.

Muna 2016, United Nations General Assembly yakabuda nechisungo chekukurudzira nyika kuti dzizvipire mukurwisa zvakasimba kupararira nekufa kwevanhu nechirwere cheHIV/AIDS apo pakatenderanwa hurongwa hwe90-90-90 .

Vanorwira kodzero dzevanorarama neHIV Amai Martha Tolana vesangano reMaking Waves Network vatiwo vanotambira nemufaro kubudira kwaita nyika asi vakayambirawo kuti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi kuti vanorarama nehutachiona hweHIV Aids vakwanise

Nyanzvi munyaya dzechirwere ichi Dr Frenk Guni vatiwo vanofara nezvaiitwa nenyika asi vakati tsvakurudzo inofanira kuramba ichiitwa kuti ndizvo here chaizvo nekushanisa michina kuvheneka ropa revari kurtarama nehutachiona uhu pane kukurumidza kuda kuenda pane chimwe chidanho chepamusoro.

Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheAIDS hwakaderera nezvikamu makumi manomwe mechimwe kubva muzana kana kuti 71,9 percent zvichireva kuti kuti muna 2010 kwakafa vanhu mazana masere nemasere kana kuti 488 asi kukafa zana nemakumi matatu nevanomwe chete kana kuti 137 muna 2020 pavanhu zviuru zana kana kuti 100 000.

Huwandu hwevanhu vakafa nechirwere cheAIDS kubva muna 2015 kusvika 2020 hwakaderera kusvika pazvikamu makumi maviri nemasere kana kuti 28, 6% asi uku kuri kunzi kukundikana sezvo chinangwa cheZimbabwe National HIV and AIDS Strategic Plan III (ZNASP) III chaiva chekuti huwandu uhu husvika pazvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50%.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG