Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inopemberera Makore Makumi Matatu neRimwe Yawana Kuzvitonga Kuzere


Zvizvarwa zveZimbabwe neMuvhuro zvakaungana munzvimbo dzakasiyana-siyana mumatunhu ose enyika zvichipemberera kusvitsa makore makumi matatu nerimwe nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Vachitaura pamhemberero dzakaitwa muHarare mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakakatsoropodza zvakare nyika dzekumavirira uye vakashora mhirizhonga iri kuitika munyika.

Zvichakadaro mutewedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaEdwin Mushoriwa vaudza Studio 7 kuti havana kuenda kumhemberero idzi sezvo bato risiri kufara nekusungwa kwerimwe remakurukota anoona nezvekupodzwa kwemaronda VaMoses Mzila Ndlovu avo vakasungwa kuLupane neChishanu..

Zvichakadaro, mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuManicaland, VaPishai Muchauraya vaudzawo Studio kuti nhengo dzavo dzadzingwa nevatungamiri veZanu PF pamhemberero dzekuzvitonga kuzere dzaitwa paRukweza Business Centre,mudunhu reMakoni South.

Vamwe vakataura neStudio 7 vati vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa vanoti VaMugabe, VaTsvangirai naVaMutambara vakatenderana kuti hapana kunyombana kunoitwa pamhemberero idzi, izvo zvakapa kuti vatatu ava vapemberere vari pamwe chete kuNational Sports Stadium.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe vanoti mashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekuti hurumende yemubatanidzwa iri kufamba zvakanaka uye kusanyomba MDC, zvinobva muzvisungo zvakaburitswa neSADC Troika kumusangano wakaitwa kuLivingstone, Zambia, zvekuti vatevedzere zviri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.

XS
SM
MD
LG