Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Haina Zvairi Kuita Kubatsira Mhuri Yayo muSouth Africa


Danho rekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara muSouth Africa zvisiri pamutemo, kusanganisirawo izvo zviri muhupoteri, zviwane magwaro anozvibvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo, rinonzi riri kukanganiswa nekuzvuva makumbo kunonzi kuri kuitwa nehurumende yeZimbabwe panyaya iyi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvizhinji zviri muSouth Africa zvinoti hurumende haina zvayati yaita pakubatsirawo vasina mapasipoti nemabirth-certificate, kuitira kuti vakwanise kuwanawo magwaro aya.

Vashandi vebazi rezvemukati menyika vakanga vanzi nehurumende yeZimbabwe vachatumirwa kuSouth Africa kuti vaite basa iri vanonzi nanhasi havasati vaenda.

Ukuwo, South Africa iri kuti haisi kuzowedzera nguva yekuti vanhu vakwanise kubatsirwa, kubva pamwedzi mitatu, iyo inopera musi wa 31 Zvita.

Bazi rezvemukati menyika muSouth Africa rinonzi neChishanu riri kutarisirwa kusangana nemasangano akasiyana siyana ari makare muSouth Africa ari kubatawo munyaya iyi, kuti vakurukure kuti pangawedzerwe nguva here, sezvo vanhu vari kuda kubatsirwa vari kunzi vawandisa.

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, pamwe naCoordinator weZimbabwe Political Victims Association, VaOliver Kubikwa, vanowirirana vose kuti dai Zimbabwe yatorawo matanho anoita kuti South Africa ionewo kuti ine chido chekuti zvizvarwa zvayo zvibatsirwe.

XS
SM
MD
LG