Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonyorera European Union Tsamba Pamusoro peZvirango


Hurumende yanyorera sangano reEuropean Union tsamba yekubvunza sangano iri zvikonzero zvakapa kuti ritemere zvirango kune vamwe vakuru-vakuru vari muhurumende nemubato reZanu PF.

Tsamba yehurumernde yakanyorwa negweta guru renyika, VaJohannes Tomana, kutanga kwemwedzi uno.

Mutsamba yavo, VaTomana vanoti kana sangano iri rikasapa zvikonzero izvi kuhurumende yeZimbabwe mukati memazuva gumi nemana akatarwa, vaizokwidza nyaya iyi kudare reGeneral Court of European Court of Justice, kuitira kuti dare iri rirase danho rekutemera Zimbabwe zvirango.

Tsamba iyi yakaendeswa kuGreece inove mutungamiri wekanzuru yeEU pari zvino.

Muna Kukadzi wegore rino, EU yakawedzera zvakare nguva yezvirango izvi pane vamwe vakuru-vakuru muhurumende nemuZanu PF, kunyange hazvo yakabvisa zvirango pane vamwe vashoma.

VaTomana vaudza Studio7 kuti vanotairisra kuti dare iri harisi kuzoita tsvete kana ronzwa nyaya yeZimbabwe, sezvo matare achitarisirwa kupa mutongo unokodzerana nehuremu hunenge hwaiswa mudare.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor Lovemore Madhuku, vanoti havaoni paine chinobuda padanho reZimbabwe iri, sezvo kuri kungotemera nyora padombo.

XS
SM
MD
LG