Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reVanhukadzi Pasi Rose


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza kusvitswa kwemakore zana ezuva rekucherechedza mabasa ari kuitwa nevanhukadzi pasi rose, reUnited Nations International Women's Day.

Zuva revanhukadzi rakatanga kucherechedzwa muna 1911 pamusangano wakaitwa muCopenhagen kuDenmark, paine chinangwa chekuremekedza mabasa evanhukadzi munyaya dzezvehupfumi, zvematongerwo enyika pamwe nebudiriro dzavo.

Mazana nemazana emadzimai aungana muHarare Show Grounds, vachikurukura mamiriro akaita zvinhu munyika pakatariswa hondo yevanhukadzi yekurwira kodzero dzavo.

Mhemberero idzi dzaitwa pasi pedindingira rinonzi “Equal Access to Education, Training and Science and Technology: Pathway to Decent Work for Women.”

Mukuru weWomen’s Coalition of Zimbabwe, Amai Emelia Muchawa, vaudza Studio 7 kuti madzimai awirirana kuti hurumende inofanirwa kuva nemitemo inoremekedza pamwe nekuchengetedza vanhukadzi uye kuvapa mikana yakaenzana nevanhurume.

Musangano uyu wanga uchikokerwa nesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe.

Zvichakadaro, mapurisa emuBulawayo avhiringidza musangano wekucherechedza zuva revanhukadzi uyo wanga warongwa nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, eZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mapurisa anonzi ambotora mumwe wevanhu vanga vachitaura pamusangano uyu, Amai Prisca Dube, ndokuzovaregedza mushure mekupindira kwemagweta.

Nhengo dzesangano revashandi reZCTU muBulawayo makare, dzambochengetedzwawo zvakare mushure mekuungana pamahofisi esangano iri kuti dzicherechedze zuva iri. Nhengo dzeZCTU dzazokwanisa kuunganazve paStanley Hall kuMakokoba sezvo sangano iri ranga rakapiwa mvumo yekuita izvi nedare redzimhosva.

Gweta ranga rakamirira masangano maviri aya, VaLizwe Jamela, vaudza Studio7 kuti vakatyamadzwa nematanho atorwa nemapurisa mukuvhiringidza misangano iyi.

Ukuwo, sangano reNCA raburitsawo gwaro rekushoropodza zvaitwa nemapurisa. NCA yatorawo mukana wekubatana nemamwe masangano mukucherechedza zuva remadzimai iri.

Mukuru weWomen’s Trust of Zimbabwe, Amai Precious Gombera, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo madzimai emuZimbabwe apemberera zuva revanhukadzi iri madzimai ari kudzoserwa shure zvikuru nenyaya yemhirizhonga yezvematongerwe enyika.

XS
SM
MD
LG