Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reWorld AIDS Day


Pasi rose rabatana mukucherechedza zuva reWorld AIDS Day pasi pedingindira rinoti “Getting to Zero”.

Dingindira iri riri kukurudzira kuti pashaikwe vanofa nechirwere cheshuramatongo, uye paine kurudziro yekubudirira muzvinhu zvitatu zvinoti pasave nevatsva vanobatwa neHIV, pasave nekusema vanorarama ne HIV/AIDS, uye pashaye vanofa nemukondombera.

Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan ki-Moon, vanoti pasi rose rasvika panguva yekuti rinokwanisa kumisa kupararira kweHIV, vachiti zvakakosha kuti pawanikwe mari yekuita basa iri.

VaBan vanokurudzira masangano anobatsira kuti aunganidze mari inoita mabhiriyoni makumi maviri nemana emadhora inodiwa gore rega rega mukurwisa HIV/AIDS.

Mumashoko avowo pakucherechedza zuva iri, mumwe wevatewedzeri vemunyori mukuru weUnited Nations, VaMichel Sidibe, vatiwo pava netarisiro yekubudirira mukurwisana ne HIV/AIDS.

Vatiwo kutapurirana kuri kuramba kuchidzikira pasi, vachiti pane humbowo hwekuti mishonga yema Anti Retro Virals, ARVs iri kubatsira mukudzikisa kutapurirana kwehutachiona.

VaSidibe vati zvinofadza kuti vanhu vanosvika mamiriyoni matanhatatu nemazana matanhatu ezviuru vari munyika dzichiri kusimukira, vari kuwana mishonga inodiwa.

Zvinonzi huwandu hwevanhu vari kubatwa neHIV muAfrica huri kuderera nezvikamu makumi maviri nezvitanhatu kubva muzana. Munyika dzinosanganisira Zimbabwe, South Africa, Zambia neNigeria, huwandu uhwu hwadzikira nezvikamu zvinodarika makumi maviri nezvishanu kubva muzana.

Zimbabwe yacherechedzawo zuva iri kumhemberero dzaitirwa munhandare yeSakubva kwaMutare.

Gurukota rezvehutano, VaHenry Madzorera, pamwe negurukota rezvevashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, vamwe vevanyarikani vanga vari pamhemberero idzi.

Vanhu vemuZimbabwe vanosvika miriyoni nemazana maviri ezviuru vanonzi vari kurarama ne HIV/AIDS, uye vanosvika mazana mana ezviuru vanonzi vari kuwana mishonga pari zvino.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muNational Aids Council, VaRaymond Yekeye, vanoti sangano ravo rinogutsikana nebasa rariri kuita mukuedza kuderedza huwandu hwevanhu vatsva vari kubatwa neHIV.

Mukuru anoona nezve HIV/AIDS mubazi rezvehutano, Doctor Charles Sandy, vatiwo Zimbabwe yaedza zvikuru mukurwisa hutachiona hweHIV kuti husapararire munyika.

XS
SM
MD
LG