Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoti Shirikadzi Dziri Kubvutirwa Pfuma muZimbabwe


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, re Human Rights Watch, rinoti shirikadzi dzemuZimbabwe dzakatarisana nedambudziko guru rekubvutirwa pfuma mushure mekufirwa nemurume.

Izvi zviri mugwaro raparurwa muHarare nesangano iri neChipiri.

Vachiparura gwaro rinoratidza kutambura kweshirikadzi idzi rinonzi “You Will Get Nothing,” kana kuti Hapana Chauchawana, mushure meongororo yavakaita, chipangamazano musangano iri, VaDewa Mavhinga, vati donzvo resangano ravo nderekuti hurumende yeZimbabwe ione kutambudzwa kuri kuitwa shirikadzi munyika.

VaMavhinga vati vari kushanda pamwe chete nebazi rinoona nezvemadzimai kuitira kuti dambudzo iri rigadziriswe.

Vakafanobata chigaro chemunyori mubazi iri, VaIvan Dumba, vati ichokwadi kuti vanhukadzi vari kushungurudzwa, vakati hurumende iri mubishi rekuvaka nzvimbo dzekuti madzimai awane rubatsiro mumatunhu akasiyana-siyana, zvikuru kumaruva.

VaDumba vaudzawo Studio7 kuti kupedza hurombo munyika kunopawo vanhukadzi mikana yekuzvishandira.

Amai Lucia Masuka Zanhi, avo vanoshanda neLegal Resources Foundation, vati zvinosuwisa ndezvekuti shirikadzi zhinji hadzizive kodzero dzadzo.

Amai Mazanhi vati kushaya ruzivo kunoita kuti vazhinji vasatore matanho pavanotorerwa pfuma yavo zvisiri pamutemo.

Sangano reHuman Rights Watch rinotiwo rakataura nemadzimai makumi mashanu nemapfumbamwe ayo akaratidza kutambudzika kwaanoita mushure mekufirwa nemurume.

Sangano iri rakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ishandise bumbiro idzva remitemo yenyika kuchengetedza kodzero dzemadzimai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG