Accessibility links

Breaking News

Vanozviitira Mabasa eMaoko Vokumbira Rubatsiro rweZvikwanisiro


Vanozviitira mabasa emaoko vanokumbira rubatsiro rwe zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kudenda reCovid-19
Vanozviitira mabasa emaoko vanokumbira rubatsiro rwe zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kubva kudenda reCovid-19

Munyori mukuru werimwe sangano revanozviitira mabasa emaoko reZimbabwe Chamber of Informal Economy Associations, VaWisborn Malaya, vanoti vari kukumbira hurumende, makanzuru nemasangano akazvimirira oga kuti vavabatsire nezvikwanisiro kuitira kuti vakwanise kutanga basa pasina kutyira kutapurirwa chirwere cheCovid-19.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa neMuvhuro kuti vanozviitira mabasa avo emaoko vatange kushande asi vachitevedzera kurudziro yeWorld Health Organization yekuti vageze maoko, kupfeka mamasiki, kugara kure nakure nezvimwe.

Sangano rinopa rubatsiro reOxfam richitsigirwa neUnited Nations Development Program rakatobatsira kugadzira musika wevarimi weMbare Farmers Market muHarare uyo wakaiswa mvura, zvimbuzi nezvimwe zvakakosha.

Gurukota rezvevashandi nezvemagariro akanaka evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, vakatozivisa kuti hurumende yakagadzirira kubatsira vanozviitira mabasa emaoko kunyange hazvo vanhu ava vari kuchema chema kuti rubatsiro rwacho rwuri kunonoka.

Mukuzeya nyaya iyi, Blessing Zulu weStudio 7 abata VaMalaya akatanga nekuvabvunza kuti vari kumbowana here rubatsiro kubva kune masangano anoshanda akazvimirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG