Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kugadzikana kwoita mitengo yezvinhu kana kuti inflation kwave kupa kuti vanamuzvinabhizimisi vakawanda vauchike mari dzavo pamisika yemari kana kuti Zimbabwe Stock Exchange kana kuti ZSE.
Vakawanda vange vabvisa mari pamusika uyu nenyaya yekusagadzikana kwezvinhu. Vachitaura nebepanhau reBloomberg, mukuru wekambani yeImara Asset Management Ltd, VaJohn Legat naVaLloyd Mlotshwa, vanoshanda ne IH Securities muHarare, vakatenda kuti vanhu vatanga kudzoka mukutenga zvinhu paZSE.
Inflation yainge yambosvika pazvikamu mazana masere nemakumi matatu nezvinomwe kubva muzana kana kuti 837% asi muna Kubvumbi yange yadzika kusvika pazana nemakumi mapfumbamwe nemana kana kuti 194%.
Asi vamwe vari kuchema chema havo kuti zvinhu zviri kuramba zvichiwedzerwa, mitengo asi mari yavo yavanotambira isiri kuwedzerwa.
Nyanzvi munyaya dzezvemabhanga, VaGilbert Muponda, vanoti inflation iri kudzika nekuda kwematanho ari kutorwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe pamwe nebazi rezvehupfumi ekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Facebook Forum