Accessibility links

Breaking News

Vana veZimbabwe Vopemberera Zuva reKuzvitonga


VaFrenk Guni, vebato reZanu PF muAmerica, vanoti vanhu vanofanirwa kubatana pazuva rekuzvitonga vachirangarira vakarwira rusununguko rwenyika.
VaFrenk Guni, vebato reZanu PF muAmerica, vanoti vanhu vanofanirwa kubatana pazuva rekuzvitonga vachirangarira vakarwira rusununguko rwenyika.

Vana veZimbabwe mumativi mana enyika vari kupemberera makore makumi matatu nemapfumbamwe nyika yawana kuzvitonga kuzere kubva kuvachena.

Dingindira regore rino rinoti “Zimbabwe pamakore makumi matatu nemapfumbamwe –Kutambira kuzvitonga kwematunhu pakatariswa mberi kuna 2030”.

Vamwe vanoti zuva iri rauya panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika, zvikuru munyaya dzezvehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika, sezvo hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa isiri kuremekedza kodzero dzevanhu.

Nyika yakatarisana nenguva yakaoma zvikuru zvekuti vanhu vakwanda vanoti vakundikana kufamba kuenda kunoona hama neshamwari nekuda kwekushaikwa kwemafuta edzimotokari nemari.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF muno muAmerica, VaFrenk Guni, vanoti hongu zvinhu zvingadai zvakaomera vanhu, asi chakanyanya kukosha pazuva rekuzvitonga ndechekurangarira vana veZimbabwe vakatsakatika vachirwira rusununguko.

VaGuni vanoti vanokurudzira kuti vemapato ezvematongerwo enyika akasiyanasiyana vambosendeka kupesana kwavo, vobatana pakupemberera zuva iri semhuri imwechete.

Vanotiwo pave nemutsauko mukuru kwazvo pakati pehutongi hwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakabviswa pamasimba muna 2017, nehurumende yaVaMnangagwa, vachiti vanhu vave kukwanisa kutaura zvavanoda pamusoro pemutungamiri wenyika vasingashungurudzwe.

Asi vamwe vanoti hapana chikuru chashanduka sezvo vanhu vachiri kungomiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG