Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Zimbabwe Ngaibhadhare Misaririrwa yeZvikwereti Zvose Kuti Inzwirwe Tsitsi neIMF


Mumiriri we International Monetary Fund, IMF, muZimbabwe, VaChristian Beddes, vanoti bhodhi rebhanga ravo ndiro rine shoko rekupedzisira panyaya yekuti Zimbabwe yopihwa chimwe chikwereti here kana kuti kwete.

Mumiriri we International Monetary Fund, IMF, muZimbabwe, VaChristian Beddes, vanoti bhodhi rebhanga ravo ndiro rine shoko rekupedzisira panyaya yekuti Zimbabwe yopihwa chimwe chikwereti here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera mashoko agavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, ekuti Zimbabwe iri kutarisira kuwana chimwe chikwereti kubva kuIMF mumwedzi mishoma inotevera mushure mekubhadhara mari yayakabvuma kuti ichabhadhara nguva dzose ichidzosera chikwereti ichi.

Mari isati yabhadharwa kusvika pari zvino yasvika pabhiriyoni rimwe nemazana masere ezviuru zvemadhora.

Gore rapera Zimbabwe yakaudza musangano wepagore weIMF neWorld Bank kuLima, Peru, kuti yaizobhadhara mari iyi muna Kubvumbi asi ikozvino yave kuti iri kutarisira kubhadhara muna Chikumi.

Zimbabwe iri kukwanisa kungobhadhara mari inosvika zana nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora pachikwereti chinosvika mamiriyoni zana nemakumi maviri nemana emadhora kubhanga iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanirawo kuumba hukama neAmerica nekuti ndiyo ine masimba akawanda mubhodhi re IMF neWorld Bank.

Mutevedzeri wemukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaCallisto Jokonya, vanoti Zimbabwe ichakwanisa kuwana mari yekubhadhara zvikwereti izvi kuitira kuti ichitanga kukwereteswa patsva.

Hurukuro naVaCallisto Jokonya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG