Accessibility links

Breaking News

Mugodhi weEldorado Wopedza Vanhu Uchidhirika


Vanhu vanokorokoza goridhe vanosvika vana vakafa vanhu vakawanda vakakuvara mumavhiki maviri apera panzvimbo yakatorwa nenhengo dzevechidiki dzeZanu PF kumugodhi weEldorado pedyo neChinhoyi.

Mumwe mutumbi wevakafa ava, VaSelestino Sibanda, avo vanga vane makore makumi maviri nemapfumbamwe vachibva kuKadoma, uchiri mumba inochengeterwa vafi pachipatara chikuru chemuChinhoyi.

Mumwe mutumbi waVaJabulani Ndlovu wakatorwa neChishanu svondo rakapera.

Vamwe vanhu vakawanda vanonzi vari kuwirwa nematombo vachibva vafira mumugodhi apo vanenge vachikorokoza.

Mukuru pamugodhi weEldorado apo pari kufira vanhu, VaGerald Sairon, vanoti kunyange hazvo nzvimbo iri kufira vanhu iri yavo, yakatorwa nechisimba nenhengo dzeZanu PF idzo dziri kupinza vanhu basa rekukorokoza vachizopedzisira vafira mumugodhi.

VaSairon vanoti vakaedza kuvabvisa asi vakatadza ndokuudza mapurisa ayo akavatadzawo sezvo vakuru vakuru muZanu PF vari kunzi vari kuudza mapurisa kuti asasunge nhengo dzavo.

Masvondo maviri apera munyori wezvemabasa muZanu PF, VaIgnatius Chombo, vanonzi vakaudza nhengo dzechidiki kuti dzikorokoze goridhe vasingasungwe nemapurisa.

Asi hatina kunzwa divi raVaChombo, avo vanova gurukota rezvemukati menyika, iro rine bazi remapurisa pasi paro.

VaSairon vanoti vane nhoroondo yevanhu vana vakafira mumugodhi nevakawanda vakakuvara.

VaSaironi vanoti vari kukurudzira mapurisa kuti vasunge nekumisa makorokoza kuti vasapinde pasi vachichera goridhe.

Asi mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwemugodhi, VaFredy Mbwedza, vanoti pakapinda vechidiki veZanu PF kuchera goridhe pamugodhi wavo vakarohwa zvakaipisisa asi mapurisa hapana matanho avakatora.

Kunyange vanhu vari kufa vakawanda, makorokoza anoti vacharamba vachikorokoza vachiti vari kufa nguva yavo inenge yakwana.

Mazvikokota wezvekucherwa kwezviwanikwa zvepasi, VaGeorge Mugani, vanoti nzara munyika ndiyo iri kupa kuti vanhu vaise hupenyu hwavo parumananzombe.

VaMugani vanoti kucherwa kwezviwanikwa kunofanirwa kuitwa zviri pamutemo pachicherechedzwa kuti nzvimbo iri kucherwa haina njodzi here kune vanenge vachichera.

Mugodhi weEldorado wakaiswa mumaoko egweta, Va Jonathan Samkange, nematare edzimhoswa mushure mukunetsana kwezvizvarwa zvekuChina VaChen Shaoliang nemwanasikana wavo Chen Xiandong nekune rumwe rutivi VaZhou Haixi izvo zvairwisana kuti muridzi wemugodhi ndiyani.

Mushure mekunetsana nekutyisidzirana kwanga koitika mukutongwa kwenyaya iyi, mutongi wedare, VaNever Katiyo, vakazvibvisa panyaya iyi.

Pari zvino matare edzimhosva haasati apa mumwe mutongi kuti atonge nyaya yekuti mugodhi uyu ndewani pakati pezvizvarwa zvekuChina izvi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG