Gadziriro yemusangano mukuru weInternational Conference on AIDS and STIs in Africa, Icasa, wegumi nesere uri kutarisirwa kuitwa muHarare svondo rinouya, inonzi iri kufamba negwara, uye kusvika pari zvino zvikamu makumi mapfumbamwe nezvisere kubva muzana zvazadziswa.
Mutauriri we Icasa, Amai Tariro Makanga-Chikumbirike, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe yakapiwa mwedzi mina chete yekugadzirira musangano uyu, uyo waifanirwa kunge wakaitirwa kunyika yeTunisia, vakakwanisa kuwana rutsigiro kubva kuhurumende pamwe nemamwe mapoka.
Musangano uyu uchatanga nemusi wa 29 Mbudzi uchipera musi wa 4 Zvita. Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kuvhura musangano uyu zviri pamutemo.
Mutambi wenhabvu ane mukurumbira pasi rose, Samuel Etoo wekuCameroon, ari kutarisirwawo kuve mumwe wevanyarikani pamusangano uyu.
Vanhu vanodarika zviuru zvishanu vachibva kunyika dzinodarika makumi manomwe vanonzi vari kutarisirwa kupinda mumusangano uyu.
Dingindira regore rino rinoti “AIDS in Post 2015: Linking Leadership, Science and Human Rights” riri kutarisa nezveshuramatongo mushure megore ra 2015