Zimbabwe nemusi weChipiri yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kucherechedza zuva rekupedza chirwere chekutsemuka dundira chinosangana nemadzimai akawanda.
Vanhu vakaungana pachipatara cheChinhoyi apo pakatanga kuparurwa chirongwa chekurapa chirwere chekutsemuka dundira mugore ra2015. Kusvika parizvino, madzimai anopfuura mazana mana akarapwa chirwere ichi. Vakarapwa ava vakauya pagungano iri vachitaridza kufara kwakanyanya.
Mumwe wevamwe vakarwara nechirwere ichi kwemakore makumi matatu nemaviri Amai Christine Godzi vanoti vari kufara zvikuru sezvo vanga vosemwa nehama neshamwari.
Amai Shamiso avo vakarapwa mushure mekurwara kwemakore mashanu vanoti kunonoka kuwana rubatsiro munguva dzekusununguka ndiko kwakapa kuti dambudziko ravo rikombe.
Mumiriri weUNFP munyika VaCheik Tidiane Cisse ndivo vange vari munyarikani pachiitiko ichi uye vati madzimai masere anofa pazuva vachisungunuka.
Vakaenderera mberi vachiti madzimai ane chirwere chedundira anoda rubatsiro rwakanyanya.
Vakataura vakamirira gurukota rezvehutano VaDidydmus Madzima vanoti zvipatara zvinofanirwa kubatana nemasangano akazvimirira kuti zvivandudze nyaya dzezvehutano munyika sezvo hurumende isina mari.
Sangano reWorld Health Organisation (WHO) rinoti madzimai anosvika mamiriyoni maviri ari kurarama nemaronda anowanikwa pakusununguka.
Mhemberero dzekucherechedza kupedzwa kwechirwere chekutsemuka dundira kwakatanga mugore ra2003. Mhemberero dzegore rino dziri kuitwa pasi pedingindira rinoti:”Hope, healing and Dignity for all”
Facebook Forum