Mutungamiri we sangano re Albino Charity Organisation of Zimbabwe, Muzvare Loveness Mainato, vanoti vakatanga sangano iri mushure mekunge vaita vana vaviri vanorarama nehusope kuti vabatsirane nevamwewo vabareki vane vana vakadayi.
Muzvare Mainato vanoti hurumende inofanirwa kubatsira vanorarama nehusope nekuvapa mukana wekuunza munyika mishonga nemagirazi anoshandiswa nevanorarama nehusope.
Muzvare Mainato vanoti matambudziko anosangana nevanorarama nehusope anosanganisira kusemwa munzvimbo dzavanogara nekuzvikoro kwavanodzidza.
Muzvare Mainato vanoti vakatosiyana nemurume wavo mushure mekunge hama dzavo dzakatyamadzwa nekuti vakange vane vana vaviri vanorarama nehusope.
"Munzvimbo dzataigara taigarosemwa uye vamwe vaitoti tisabudise vana panze kana pane vaenzi sezvo vari masope. Asi izvi zvinofanirwa kumiswa sezvo mwana ari mwana zvisineyi nekuti akaita seyi," Muzvare Mainato vaudza Studio7.
Amnesty International svondo yapfuura yakaparura gwaro rinoshora kutyorwa kwekodzero dzevanorarama nehusope muSouthern Africa kunyanya kuMalawi neTanzania uko vanhu vari kuurayiwa vachitorwa mitezo yavo kuti ishandiswe pane zvemishonga.
Chipangamazano muAmnesty International, VaSimeon Mawanza, vanoti kunyangwe izvi zvisiri kuitika muZimbabwe, idambudziko rinofanirwa kuzeyiwa nezvaro uye kodzero dzevanorarama nehusope dzinofanirwa kuremekedzwa pasi rose.
"Zvakakosha kuti kodzero dzevanorarama nehusope dzichengetedzwe uye tinoshora zvikuru zviri kuitika kuMalawi ne Tanzinia uko vanhu vari kuurayiwa vachitorerwa mitezo inoshandiswa mune zvemishonga, kunyangwe dambudziko iri tisati tariwona muZimbabwe, kodzero dzevanorarama nehusope munyika dzinofanirwa kuremekedzwa," VaMawanza vaudza Studio7.
Vanoda kunzwa zvizere nezve sangano reAlbino Charity Organisation of Zimbabwe, vari kunze kwenyika vanokwanisa kubata Muzvare Loveness Mainato panhamba dzinoti +263 773468122.
Vari munyika vanokwanisa kuvabata panhamba dzinoti 077 346 8122, uye vanokwanisa kuenda kumahofisi esangano iri kuChitungwiza panonzi paMandiyanike Complex.