Sangano reBuy Zimbabwe iro rinokurudzira kuti vanhu vatenge zvinhu zvinogadzirwa munyika rinoti kuita izvi kunobatsira kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi.
Chirongwa cheBuy Zimbabwe ichi chakaparurwa muZimbabwe muna 2011 asi change chiri kunetsa kushambadzira nenyaya yekushaya mari.
Vachitaura pamazana evanhu, muChinhoyi nemusi weMugovera, mukuru weBuy Zimbabwe Muzvare Letwin Mutasa vakati kutenga zvigadzirwa zvemunyika kunopa kuti dambudziko rekushomeka kwemari ripere sezvo mari yakawanda isingapere nekutenga zvinhu kune dzimwe nyika.
Izvi zvakatsigirwa naMeya veChinhoyi VaTest Michaels avo vanga vari munyarikan pagungano iri. VaMichaels vakati Buy Zimbabwe inoita kuti makambani akavharwa avhurwe izvo zvinoita kuti munyika muve nemabasa.
Gavhuna weRBZ Dr John Mangudya vanoti nekuda kwekushomeka kwemari uku, nyika ichaparura mabond notes ayo okonzerawo mutauro munyika vamwe vachiti achatoita kuti zvinhu zviende kumawere.
Mukoti mukuru pachipatara cheChinhoyi Dr Kirsty Smith vanoti zvekudya zvinorimwa munyika hazvina maGMO ayo anozokonzera zvirwere.
Muzvare Shamiso Kachere avo vanogadzira doro nekambani yeMbarure Distillers vanoti hwahwa hunogadzirwa munyika hwakanyorwa zviri mukati (alcohol content) kwete zvemakambani edzimwe nyika vasingataure chokwadi izvo zvinozoita kuti vanhu vararadze.
Kambani yeBuy Zimbabwe yaikuridzira kuti vanhu vashandise zvigadzirwa zvemunyika yakabatana nekambani yeMetro Peech iyo yakapa mubayiro yakawanda kune vakatenga zvinhu zvakagadzirwa munyika mumwedzi mina yapfuura.
Nekuvharwa kwemakambani akawanda munyika, Zimbabwe yave kutenga zvinhu kunyika dzakaita seSouth Africa neChina.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuti chirongwa ichi chishanda, vanogadzira zvinhu munyika vanofanira kugadzira zvinhu zvemhando yepamusoro soro uye zvinhu izvi zvinofanira kutengeswa nemutengo uri nani kwete kudhurisa.