Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Otsvaga Vanhu Vakauraya Nzou Shanu neMuchetura


Bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemiti nezvimwe reForestry Commission rinoti pane nzou shanu dzakaurayiwa kuAmandundumela kuMatabeleland North nemuchetura we cyanide.

Zvinonzi vanochengetedza mhuka vakaona mitumbi mishanu yenzou svondo rapera pedyo nesango reGwaai. Nyanga dzenzou idzi dzainge dzabiwa.

Mutauriri webazi iri Amai Violet Makoto vaudza Studio 7 kuti kusvika parizvino hapana ati asungwa asi mapurisa ari kuenderera mberi achiferefeta nyaya iyi.

Amai Makoto vanoti muchetura uyu wakaiswa panzvimbo inoendwa nenzou kana dzichida kunanzva munyu.

Muna Kukadzi munzvimbo imwe cheteyo makawanikwa mitumbi yedzimwe nzou dzakaisirwawo muchetura.

Nyaya Ina Amai Violet Makoto
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe yaita dambudziko rakakura revanhu vari kuuraya nzou nemuchetura wecyanide. Muna 2013 nzou dzinosvika mazana matatu dzakaurayiwawo nemuchetura uyu.

XS
SM
MD
LG