Accessibility links

Breaking News

Magweta Anoti RBZ Ngaitevedzere Mutemo paNyaya yemaBond Notes


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti danho riri kuda kutorwa nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe rekuparura mabond notes rinogona kunge richityora bumbiro remitemo yenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti danho riri kuda kutorwa nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rekuparura mabond notes rinogona kunge richityora bumbiro remitemo yenyika.

Nekudaro nyanzvi idzi dziri kuyambira kuti nyaya iyi inoguma yasvika kudare repamusoro soro reConstitutional Court.

Gavhuna weRBZ vakazivisa kuti mukati memwedzi miviri vanenge vaparura mabond notes emadhora maviri, mashanu kusvika pamadhora makumi maviri.

Gweta Muzvare Fadzai Mahere vanoti pasi pemutemo weRBZ Act, Banking Act, gavhuna webhanga guru renyika havakwanise kuparura mabond notes aya.

Vanoti kunyangwe zvikanzi mari yashota munyika mutemo unoti panoparurwa mareserve bank vouchers kwete mabond notes.

Munyika vanhu vari kuita chipatapata kuyedza kutora mari mumabhanga mabond notes aya asati aparurwa.

Asi VaMangudya vanoti vanhu havafanire kurohwa nehana nekuti mabond notes aya akanangana nekuti mari isashomeke uye kugadzirisa hupfumi.

Rimwe gweta, VaTawanda Nyambirai, avo vakavamba bhanga reTN Bank Limited. VaNyambirai vanotiwo zviri kuitwa neRBZ zvichiri kuda kujekeswa asi vakayambira kuti vanhu vanogona kuguma vave kumatare.

Hurukuro naVaTawanda Nyambirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG