Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChipiri vakatsigirana negurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa panyaya yekuti vemabhanga vasamanikidzwa kupa vatema zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana sezvange zvichidiwa negurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema VaPatrick Zhuwao.
Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidza vari mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vanoti VaMugabe vari kungobata vanhu kumeso zvikuru vakuru veInternational Monetary Fund neWorld Bank avo vari kuita misangano yakakosha parizvino naVaChinamasa uye gavhuna weRBZ VaJohn Mangudya.
VaBiti vanoti mutemo uyu hausi kushanda uye unotoda kutogoborwa wese woraswa.
VaMugabe vakaburitsa mashoko aya kuburikidza negurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaChristopher Mushowe.
Mutungamiri wenyika akati zvirongwa zvekuendesa hupfumi zvinofanira kuzadzikiswa kuburikidza nemapazi ehurumende akasiyana siyana kwete gurukota rimwe chete.Vakatiwo vemabhanga vanotarisirwa kuita zvirongwa zvekubatsirawo nyika.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaLuxon Zebe avo vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce vanoti vanotenderana nedanho raVaMugabe vachiti mutemo uyu uri kukanganisa zvakanyanya zvirongwa zvekuda kukwezva vemabhizimisi vekunze kuti vauye munyika kuzouchika mari yavo.