Accessibility links

Breaking News

Chikwereti cheZimbabwe Chopfuura Mabhiriyoni Gumi neMasere


Chikwereti cheZimbabwe munyika nekunze chinonzi chasvika pamabhiriyoni gumi nemasere nezviuru mazana mana zvemadhora kana kuti US$18,4 billion.

Izvi zvaburitswa nesangano rinonzi ZIMFACT rinoita ongororo yekuona kuti chikwereti chenyika chasvika papi.

Sangano iri rinoti muna Zvita, chikwereti change chiri pamari inosvika pamabhiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu kana kuti US$7,5 billion asi nenyaya yemitero iri kubhadhariswa nekutadza kuchibhadhara, chave kutarisirwa kusvika pamari inosvika pamabhiriyoni manomwe nezviuru mazana masere kana kuti US$7,8 billion.

Pakasanganiswa zvikwereti zvemamwe makambani asiri ehurumende mari yezvikwereti kunze inosvika pamabhiriyoni gumi.

Mari iri kukweretewa nehurumende munyika yasvika pamabhiriyoni matatnhatu.

Mari iyi haisanganise imwe yakapihwa bhiriyoni imwe nezviuru mazana mashanu kana kuti US$1.5 billion yakakweretwa kubva kuAfrica Import and Export Bank (Afreximbank.

Nyaya yekutadza kubhadhara chikwereti iyi ndiyo iri kupa kuti Zimbabwe itadze kukwereteswa mari nemabhanga akaita seIMF neWorld Bank.

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG