Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti vari mushishi kuita hurukuro nevemabhizimisi kunyanya kuti vaone kuti vangashandise sei mari yekuChina ye Yuan sezvo nyika mbiri idzi dziri kutengeserana zvakanyanya.
VaMangudya vanoti apa hapana chitsva nekuti Yuan imwe mari yagara yakabvumidzwa kushandiswa munyika pamwe chete nemari yekuAmerica, Rupee, Rand nedzimwe.
Doctor Mangudya vanoti manyepo kuti kuda kwekukanganirwa chikwereti kweZimbabwe neChina ndiko kwapa chipatapata chekuti pashandiswe Yuan.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic and Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti kumabhizimisi zvakanaka kushandisa Yuan asi kuvanhuwo zvavo zvichatora nguva.