Accessibility links

Breaking News

Buhera Yochema Kushaya kwaVaTsvangirai


Mugari wekuBuhera
Mugari wekuBuhera

Hama neshamwari pamwe nevavakidzani vemhuri yekwaTsvangirai vakaungana kumusha kwaVaTsvangirai kuBuhera vachichema kushaya kwemudikani wavo.

Vanhu vakawanda vari kubata maoko zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai muSouth Africa nemusi weChitatu.

Mumwe wevanhu ava, Ambuya Hilda Mapanzure, vanoti vari kurwadziwa zvikuru nekushaya kwakaita VaTsvangirai.

Mufakidzani wemhuri yekwaTsvangirai, VaThomas Karusa, vanoti VaTsvangirai munhu aibatsira vazhinji munzvimbo mavo nenyika yose.

Mumwe wevanhu vari kurufu urwu, VaMunaro Garusa, vanoti VaTsvangirai munhu aimira pachokwadi nguva dzose.

Mudzimai wemunin’ina waVaTsvangirai, Amai Grace Tsvangirai, vanoti mhuri yavo yarasikirwa negamba.

Mutsigiri weMDC, Muzvare Mavis Chipoyera, vanoti sebato varasikirwa nemutungamiri aigona basa.

Muvakidzani wemufi, Amai Lynne Machau, vanotiwo vari kuchema nemhuri yekwaTsvangirai panguva ino.

Mutumbi waVaTsvangirai wasvika muHarare neMugovera uchibva kuSouth Africa uku vakashayikira.

VaTsvangirai, avo vakashaya nemusi weChitatu kuSouth Africa, vari kutarisirwa kuvigwa kuno kumusha kwavo kwaHumanikwa kuBuhera nemusi weChipiri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG