WASHINGTON —
Dare redzimhosva repamusoro rapa sangano revashandi, re Zimbabwe Congress Of Trade Unions, ZCTU, mvumo yekufora neMugovera muHarare.
Sangano iri rakange ranyimwa mvumo nemapurisa, izvo zvakazoita kuti ZCTU, yakamirirwa ne Zimbabwe Lawyers For Human Rights, ikwidze nyaya iyi mudare repamusoro.
Magweta anoti VaJememiah Bamu, VaTawand Zhuwarara na Muzvare Belinda Chinowawa ndivo vanga vakamirira ZCTU vachipikisa zvakanga zvatarwa nemapurisa.
ZCTU inoda kufora senzira yekukurudzira hurumende kuti iremekedze kodzero dzevanhu.
Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re Harare Lawyers For Human Rights, Va Kumbirai Mafunda, vanoti mutongo uyu unokomekedza mapurisa kuchengetedza vanhu vachange vachifora neMugovera.
VaMafunda vanoti ZCTU ine hurongwa hwekuratidzira zvakare muBulawayo neChishanu, asi vanoti sangano iri risati rapihwa mvumo yekuti vafore mumigwagwa izvo zviri kupikiswa nesangano iri.