Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yobataira Kuti Vagari vekuChilonga Kuti Vasabviswa Munzvimbo Yavo


Human Rights Watch
Human Rights Watch

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vanoti mhuri zhinji dzeChilonga ku Chiredzi hadzisi kuzobviswa mumisha yadzo, vachiti mhuri shomanana ndidzo dzichatamiswa uye dzichatsvakirwa pekugara.

Mugwaro ravanyora rikabudiswa neZimLive.com, VaCharamba vati mumazuva mashoma ari kutevera, hurumende ichazivisa zvairi kuzoita nenyaya iyi, pamwe chete nekuzivisa mitemo mitsva, kana kuti Statutory Instruments, yavanoti iri kugadziriswa.

Hurumende yakazivisa zviri pamutemo mwedzi wapera kuti vagari vanodarika zviuru gumi nezviviri, vari munzvimbo ye Chilonga, vabve munzvimbo iyi, kuitira kuti kambani yeDendiary ishandise minda iyi semafuro emombe dzayo dzemukaka.

Matare edzimhosva akambomisa hurumende kuti isabvisa vanhu ava mumisha yavo.

Sangano reHuman Rights Watch rinoti ratora nyaya yevanhu veChilonga iyi rikaiisa pamusoro penyaya dzairi kufambira.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti sangano ravo rakanyorera kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe chete negurukota rinoona nezvamatunhu, VaJuly Moyo, pamusoro penyaya iyi.

Vati sangano ravo riri kushanda nemamwe masangano mukuona kuti vanhu veChilonga havabviswi pamisha yavo zvisiri pamutemo.

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvematunhu, Amai Marian Chombo, vati tivabate nhasi, Chipiri, pamusoro penyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG