Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero Otaura Pamusoro peKutyorwa kweKodzero neMauto neMapurisa


Ms. Blessing Gorejena
Ms. Blessing Gorejena

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pasi pemubatanidzwa weZimbabwe Human Rights NGO Forum anoti vanhu vari kutyorerwa kodzero dzavo zvakanyanya kubva zvatanga kuratidzira vanhu vachitsutsumwa kukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, uyo unova mubatanidzwa wemasangano makumi maviri akazvimiririra anorwira kodzero dzevanhu, Amai Blessing Gorejena, vati vanhu vanodarika mazana masere vatyorerwa kodzero.

Muzvare Gorejena vati vanhu gumi nevaviri parizvino varasikirwa nehupenyu huye vanhu vanodarika makumi manomwe vanemaronda ekupfurwa nepfuti.

Muzvare Gorejena vatiwo kumwe kutyorwa kwekodzero kwaitika kunosanganisira kumbunyikidzwa kwevanhu pamwe nekutorerwa pfuma yavo.

Muzvare Gorejena vatiwo pane vakasungwa varikunyunyutawo nekubatwa zvakaipa nemapurisa.

Amai Gorejena vatiwo magweta haasi kuwana mukana wekumiririra vamwe vanhu sezvo mapurisa vasiri kuvatendedza kuona vasungwa.

Kushungurudzwa kweveruzhinji uku kunoteverawo kupinda kwemasoja ane pfuti mumugwagwa zvisiri kuzivikananwa kuti vakanzi vapinde nani.

Studio 7 yabata gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, ichida kunzwisisa kuti ndiani akatendedza masoja huye kuti hurumende yakavharirei masaisai.

Asi amai Mutsvangwa vaudza Studio7 kuti vachange vachibudisa mashoko avo munguva shoma inotevera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG